Accessibility links

Breaking News

Nyika Yokurudzirwa Kugadzirisa Dambudziko reMvura


Clean drinking water
Clean drinking water
Sangano rinoita basa rekuchengetedza hutano hwenyika, re Community Working Group On Health, rinoti hurumende nemakanzuru vanofanirwa kushanda pamwe mukugadzirisa nyaya yedambudziko remvura mumaguta ese ari munyika kana vachida kuti chirwere chemudumbu che typhoid chipere munyika zvachose.

Chirwere chetyphoid chinonzi chiri kuwanikwa mune dzimwe nzvimbo muguta reHarare kunyange hazvo chakanyanyotekeshera muChegutu.

Mukuru weCommunity Working Group On Health, VaItayi Rusike, vanoti pari zvino vari kuyedza kukurudzira paramende kuti idzike mutemo we Public Health Act uyo usati waturwa pari zvino.

VaRusike vanoti mutemo uyu unozobatsira mukupa mukana kugurokota rezvehutano kuti rishande nematunhu mukugadzirisa dambudziko remvura nezvimwewo zviri kukonzera zvirwere zvakadai ne typhoid.

Muna Nyamavhuvhu, gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vakaratidza kushushikana zvikuru zvichitevera kubuda kwechirwere ichi, icho chinonzi chaibata vanhu makumi mashanu pazuva rega rega. Mumwedzi uyu, vanhu vanodarika ciuru nemazana mashanu vakabatwa nechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Nyanzvi idzi dzinoti zvirwere zvemudumbu zvakaita sekorera ne typhoid, zvirwere zvinorapika nyore nyore, asi zviri kuwanikwa zvichivhiringa hupenyu hwevanhu.
XS
SM
MD
LG