Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Munyika Munogona Kusagadzikana


Zimbabwe opposition party Movement For Democratic Change (MDC) leader Morgan Tsvangirai addresses a news conference in Harare Sept. 18, 2013.
Zimbabwe opposition party Movement For Democratic Change (MDC) leader Morgan Tsvangirai addresses a news conference in Harare Sept. 18, 2013.

Mutungamiri weMDCT, Va Morgan Tsvangirai, vadzokorora zvakare mashoko avo ekuti kuondomoka kwaita hupfumi hwenyika kuri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vachitaura neChitatu manheru pakuparurwa kwechirongwa cheboka revechidiki chekuti munyika mugadziriswe nyaya yekushayikwa kwemabasa, Va Tsvangirai vakati nyaya inoda kugadziriswa inyaya yezvematongerwo zvavati ndizvo zviri kuita kuti hupfumi hwenyika huwire pasi.

Va Tsvangirai, avo vakakundwa nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, musarudzo yemutungamiri wenyika gore rapera, vanoti sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka.

Asi mutauriri we Zanu PF, Va Rugare Gumbo, vakaudza bepanhau re Daily News nezuro kuti bato ravo riri kuda zvenhaurirano nemapato anopikisa asi Va Tsvangirai vanofanira kutanga vacherechedza kuti Va Mugabe vakakunda zviri pachena musarudzo dzegore rapera.

Va Tsvangirai vanotiwo munyika munogona kuita kusagadzikana kana nyaya dzezvematongerwo enyika, kushayikwa kwemabasa pamwe nehupfumi hwenyika zvikasagadziriswa.

Vachitaurawo pakuparurwa kwechirongwa ichi, vakafanobata chigaro chemutungamiri wevechidiki mu MDCT, Va Costa Machingauta, vakatiwo vechidiki vazhinji vave parumananzombe sezvo mabasa asiri kuwanikwa munyika.

Kubva pakaitwa sarudzo dzegore rapera, pane makambani anodarika mazana matatu akavhara misuwo nepamusana pekuwoma kuri kuita zvinhu munyika.

Va Machingauta vanoti hurumende inofanira kuwona zvaingaita kuti mabasa awanikwe sezvo Va Mugabe vakavimbisa pamberi pesarudzo dzegore rapera kuti hurumende yavo ichaita kuti pave nemabasa anodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri.

Zvichakadai, VaGumbo vaudza Studio7 parunhare kuti bato ravo riri kushanda zvakasimba kuti rizadzise zvose zvarakavimbisa paraitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rapera.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari sachigaro wesangano rinoshanda rakazvimirira re Crisis in Zimbabwe Coalition, Va Dewa Mavhinga, vaudza Studio 7 parunhare vari ku Johannesburg mu South Africa kuti pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa nehurumende zvinosanganisira nyaya yekupedza huori zvinoita kuti zvinhu zvinake munyika.

Va Mavhinga vatiwo vechidiki ve MDCT ava vanofanira kubatanidza vanhu vese munyika kuitira kuti vataure nezwi rimwe chete panyaya yemabasa nezvimwe zviri kunetsa.

MDCT inoti kushayikwa kwemabasa kwave kukonzera kuti hupenyu huwomere vechidiki uye bato iri rinoti vamwe vechidiki vave kuswera vachishandisa zvinodhaka pamusana pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Bato iri rakaparura website yeboka revechidiki richange richishandiswa kutora mazita evanhu vese vasina mabasa munyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG