Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Bato Ravo Ngarinzwisise Mashandiro eMakanzuru


Tsvangirai 2
Tsvangirai 2

Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kunyange hazvo bato ravo risiri muhurumende zvakakosha kuti rinzwisise matambudziko akatarisana nemakanzuru emumadhorobha nemaguta ari munyika sezvo bato ravo riri iro riri kutungamira makanzuru aya mazhinji.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura nevatori venhau mushure mekushanyira zvirongwa zviri kuitwa nekanzuru yeGweru neChina masikati, VaTsvangirai vati makanzuru ari munyika akatarisana nematambudziko akafanana anosanganisira kushaikwa kwemari yekuita mabasa aanotarisirwa kuita nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi.

Vachipindura mubvunzo wekuti bato ravo ringabatsira sei pakugadzirisa matambaudziko akatarisana nemakanzuru aya iro risiri muhurumende, VaTsvangirai vati zvakakosha kuti bato ravo rigare richiziva mashandiro ari kuita makanzuru ari munyika uye matambudziko akatarisana nemakanzuru aya pamwe neveruzhinji sezvo bato ravo richitarisira kuzotonga nyika.

VaTsvangirai vashanyira misika iri mumisha yeveruzhinji yeAscot, Mambo, Mkoba 6, Mkoba14, pamwe neMkoba 15 vakazopeta kushanya kwavo panzvimbo yeRange Booster panopombewa mvura inomwiwa nevanhu muguta reGweru.

Mukushanya kwavaita VaTsvangirai vagamuchirwa nemufaro nevanhu vakasiyana-siyana uye vamwe veavo vakwanisa kuonana naVaTsvangirai vataurira Studio7 kuti kunyange hazvo VaTsvangirai vasiri muhurumende, vane vimbo yekuti vanogona kubatsira veruzhinji kubuda mumatambudziko avari.

VaTsvangirai vati vari kusiririswa zvikuru nenyaya yekuti vanhu vakawanda kunyanya vechidiki vave kurarama nekutenga nekutengesa zvinhu nekuda kwekuti hakuna mabasa.

Pavabvunzwa nenyaya yekuti bato ravo rasvika papi nehurongwa hwekuratidzira hwavakati vachaita senzira yekuedza kusafara kwavo nehutongi hwehurumende yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaTsvangirai vati bato ravo harizi kuda kungoratidzira zvisina kurongeka zvinogona kuzokonzera mhirizhonga nekudeuka kweropa vakati vachiri mushishi rekutaura nevatsigiri vavo pamusoro pehurongwa uhu.

VaTsvangirai vakaurudzira vechidiki kuti vasashandiswe munyaya dzemhirizhonga yezvematongerwo enyika asi kuti vaise musoro pamwe chete vatarisane nehurumende yeZanu PF iyo vati ndiyo iri kuunza kutambura kweveruzhinji.

Kunyange hazvo vamwe vagari vachiti havazi kufara nekusashanda zvakanaka kwekanzuru yeguta reGweru, VaTsvangirai varumbidza meya weguta iri, VaHamutendi Kombayi, pamwe nemakanzura avo vachivati vari kuedza zvose zvavanogona kuita basa ravo nemhazvo zvisinei nezvimhingamupinyi zvavakatarisana nazvo.

Kushanya kwaVaTsvangirai kukanzuru yeGweru kunotevera kushanya kwavakaita kuChitungwiza munguva pfupi yapfuura uye vati vachaenderera mberi vachishanya kune mamwe maguta nemadhorobha kuitira kuti vanzwisise mabasa ari kuitwa munzvimbo idzi pamwe nezvimhingamupinyi zviri kusangana nemakanzuru aya.

XS
SM
MD
LG