Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti MDC Ichasarudzwa Kuti Itonge


Kunyange hazvo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vachiti vane chokwadi chekuti bato ravo richakunda musarudzo, vanoti vakazvipira kusiya hutungamiri hweMDC kana bato iri rikakundwa musarudzo idzo dzinotarisirwa kuveko gore rinouya. VaTsvangirai vati chinhu chinenge chakanaka kusiyira vamwe kuti vatungamire bato.

Vachitaura kuvatungamiri vematunhu ebato ravo muGweru neChishanu, VaTsvangirai vati bato ravo rave neruzivo rwekutungamira nyika mushure mekuve muhurumende yemubatanidzwa kwemakore mana apfuura.

VaTsvangirai, avo vakaparura chirongwa chebato ravo chinopa hwaro hwemafambisirwo ezvehupfumi hwenyika muHarare neChipiri, vati bato ravo rine hurongwa hwakanaka hwekuendesa nyika mberi.

Zanu PF iri kushora chirongwa cheMDC chezvehupfumi hwenyika ichi vachiti hachina maturo vachitiwo bato reMDC rakavamba chirongwa ichi senzira yekukwezva vatsigiri panguva yesarudzo.

Asi VaTsvangirai vati chikonzero chikuru chakaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu PF vaendese nyika kumawere, inyaya yekuti vaive vasina hurongwa hwekuti votonga nyika sei pavakavamba hurumende mushure mekunge nyika yatora kuzvitonga.

Vaenderera mberi vachiti zvakakosha kuti bato ravo rive nehurongwa hwekutungamira nyika sezvo vane tarisiro yekuti richave iro richakunda musarudzo dzinouya.

Vatiwo bato ravo richaita sarudzo dzekutsvaga vamiriri vemudare reseneti, pamwe chete nere House of Assembly nemakanzura kuchishandiswa mitemo yebato.

VaTsvangirai vabvuma kuti nyaya yehuwori yange yatekeshera mumakanzuru vakati bato ravo rave kutora matanho ekunyatsoongorora vanhu vose vanoda kuve makanzura vasati vakwikwidza muzvinzvimbo izvi.

VaTsvangirai vatsinhira kuti bato ravo harizofa rakachengeta vanhu vanoita huwori vakati hazvivarwadze kuti vanhu vakaita sameya weGweru, VaTedios Chimombe, avo vakadzingwa mubato reMDC nenyaya yehuwori, vave kunzi vave nhengo dzerimwe bato.

VaTsvangirai vakurudzira vatsigiri vavo kuti vasiyane netsika yekupokana vachirwira zvigaro izvo vati zvakakonzera kuti bato ravo ritadze kukunda mune dzimwe nzvimbo munyika pasarudzo dzemuna 2008. Vakurudzirawo vatsigiri vavo kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota vakawanda musarudzo dzinouya.

Vatungamiri veMDC vanosanganisira mutevedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokozane Khupe, munyori mukuru webato, VaTendai Biti, pamwe nemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri, VaNelson Chamisa, ndevamwe veavo vange varipowo pamusangano uyu.

Vatungamiri vebato iri vari kuita misangano yakadai munzvimbo dzakasiyana-siyana senzira yekuzivisa vatsigiri varo mamiriro ezvinhu muhurumende pamwe nekuvakurudzira kugadzirira sarudzo.
XS
SM
MD
LG