Chitatu, Kukadzi 10, 2016 Local time: 06:34

    Nhau / Africa

    VaTsvangirai Vanoti Vatungamiri Vatsva muAfrica Ngavave neGwara Rakajeka

    VaMorgan TsvangiraiVaMorgan Tsvangirai
    x
    VaMorgan Tsvangirai
    VaMorgan Tsvangirai
    Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri webato guru reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mhirizhonga inoitika pakati pevanhu vatema pachavo munyaya dzezvematongerwo enyika, chinhu chinofanirwa kupera zvachose muAfrica.

    Vachitaura semunyarikani mukuru pamusangano webato reOrange Democratic Movement, ODM, kuKenya, VaTsvangirai vati zvinhu zvakakosha kuti vatungamiri vatsva vemuAfrica vaone kuti mhirizhonga muvanhu yapera zvachose. VaTsvangirai vatiwo vatungamiri vanenge vasarudzwa vanofanirwa kuva negwara rakajeka rinoita kuti nyika dzavo, pamwe neAfrica yose dzive neremangwana rakanaka.

    VaTsvangirai vashora zvikuru katsika kezvematongerwo enyika kanodzosera vatungamiri vanenge vakundwa musarudzo mumasimba ekutonga nenzira isingafadze veruzhinji.

    VaTsvangirai vakakunda mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, musarudzo dzakaitwa muna 2008, asi pakazoitwa kutaurirana kwakazoona VaMugabe vachipihwa masimba ekutonga muhurumende yemubatanidzwa.

    Kenya yakaitawo sarudzo dzakasiya vanhu vakawanda vafa muna 2007 musarudzo inofungidzirwa kuti yakanga yasarudza VaRaila Odinga vebato reODM. Asi pakazotauriranwa VaOdinga vakazoitwa mutungamiri wehurumende, ukuwo VaMwai Kibaki, vakaramba vari mutungamiri wenyika iyi.

    VaTsvangirai vakasvika muNairobi neChina mushure mekukokwa nasahwira wavo, uye vari nemutungamiri webato ODM, VaRaila Odinga, avo vakange vari munyarikaniwo mukuru pakongiresi yeMDC-T muBulawayo gore rapera.

    VaOdinga, avo vanova zvakare mutungamiri wehurumende yeKenya, vakadomwa nebato ravo kuti vamirire bato iri musarudzo yemutungamiri weKenya.

    You May Like

    Nyakuda kuBhomba Kambani yaVaMugabe Okandwa Mujeri kweMakore Mapfumbamwe

    Mumwe wemhuri yaVaKuchata, Amai Joyline vati vatambira mutongo wapihwa nedare. Onai zvimwe

    Vhidhiyo Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe

    Vamwe Voshora Hurongwa hweHurumende hweKurwisa Huori

    Nekuona kutekeshera kwedambudziko rehuwori munyika, hurumende svondo rapera yakaparura chirongwa chinokurudzira vana vezimbabwe kuti vabatane mukurwisana nehuwori chainoti “Against Corruption Together”. Onai zvimwe

    Nyaya yeVarairidzi Vasingagone Rurimi rweNdebele Vachidzidzisa Vana kuMatabeleland Yotsviriridza Zvekare

    Svondo rapera dare reparamende rakazeya nyaya yekuti vadzidzisi vasingataure Ndebele vangaendeswa here kana kuti kwete kunodzidzisa munzvimbo dzinonyanyotaurwa Ndebele. Onai zvimwe

    Chikwata Chinotsigira VaMnangagwa Chodududza paHondo yeMusangano wePolitburo

    Bazi remadzimai raronga mabhazi gumi nemana kuti atakure vanhu kuenda kuHarare neChitatu. Onai zvimwe
    Live Talk

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
    English

    English

    Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe.
    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

    Facebook