Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Machechi Ngaarwire Kodzero dzeVanhu


Mutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, vaudza vedzisvondo kuti vanofanira kumira zvakasimba mukurwira kodzero dzevanhu munyika asi vasingatore mativi munyaya dzezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pamusangano wemazuva matatu wevakuru vedzisvondo vanobva kunyika dzakasiyasiyana munyika uri kuitirwa mu Harare, Va Tsvangirai vakurudzira vedzisvondo kuti vashande zvakasimba mukurwira kodzero dzevanhu pamwe nezvido zveveruzhinji munyika.

Mashoko aVaTsvangirai aya atambirwawo nemumwe mukuru muchechi ye Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Va Goodwills Shana.

Va Shana vati vedzisvondo vakazvipira kushanda nevemapato ezvematongerwo enyika asi dzimwe nguva vezvematongerwo enyika vanozopedzisira voda kushandisa vedzisvondo kuti vaite zvavanoda. Vati machechi anofanira kusiiwa achiita basa rawo akasununguka.

Va Shana vatiwo vedzisvondo havadi kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo vachimirira vanhu vakasiyana-siyana vanogona kunge vachitsigira mapato akasiyana siyayana.

Zvichakadai, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vatadza kuuya kumusangano uyu kwavanga vakakokwa kuti vazotaura pamwe chete naVa Tsvangirai mushure mekunge mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vashevedzera musangano wemakurukota ehurumende.

Musangano uyu wakarongwa nesangano riri kuzvidaidza kuti Build Africa uye musangano uye wakatarisirwa kutaurwa nyaya dzakawanda dzinobata nyaya dzekuti vedzisvondo vangashande sei nehurumende dzemunyika mavanenge vachigara mu Africa yese.

XS
SM
MD
LG