Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti MDC Ndiyo Chete Inogona Kugadzirisa Hupfumi, Kwete Zanu PF


Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nebato ravo reZanu PF mucherechedzo wekutadza kutungamiri nyika vachiti bato reMDC-T rine hurongwa hwakajeka hwekuburitsa nyika mumatambudziko ayiri kana vakapiwa mukana wekutonga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pagungano revatsigiri vavo paMkoba 5 Golf Course muGweru neChina masikati, VaTsvangirai vati hazvichabatsire kuti vanhu vaswere vachishora kana kutukirira VaMugabe sezvo zvave pachena kuti havana zano rekukwanisa kuburitsa nyika mumatambudziko ayakatarisana nawo.

VaTsvangirai vati bato ravo rine hurongwa hwakajeka kuburikidza nechirongwa chebato iri chekuwanira vanhu mabasa, kusimudzirwa kwehupfumi pamwe nekugadzirisa chimiro chenyika. Vati hurongwa uhu hune hwaro hwakanaka hwekuunza mabasa munyika.

Vati kana vakapinda muhurumende bato ravo richaita kuti munyika muwanikwe mabasa kuburikidza nehurongwa hwekugadzuruddza mitemo inovhiringidza hupfumi hwenyika uye kuita kuti vanhu vane mapurazi vawane ma title deeds.

VaTsvangirai vafananidza nyika nemurwere kana kuti munhu anenge akakuvara zvakaipisisa achibuda ropa vakati panguva yehurumende yemubatanidzwa, vakakwanisa kumisa kubuda kweropa uku asi pari zvino hurwere hwadzoka zvekare.

VaTsvangirai vati chinhu chinorwadza kuti vechidiki vakawanda vane zera rekuti vangadai vachishanda mumaindasitiri havana kumboziva kuti chinonzi kushanda chii muhupenyu hwavo nekuda kwekuti makambani ari kuramba achivhara uye vanhu vakwanda vave kurarama nekutengesa mumigwagwa.

Vatiwo hazvivashamise kuti pane nhaurwa yekuti hurumende iri kuda kudzora mari yemuZimbabwe sezvo isisina nzira yekuramba ichiwana mari yekunze nekuda kwemamiriro akaipa ezvehupfumi, asi vati kudzora mari yemuZimbabwe uku hakuna zvakunonyanyobatsira.

VaTsvangirai vati dambudziko guru rakatarisana nenyika ndere kuti kunyange hazvo bato ravo riri iro rine hutsigiri hwakawanda harizi kukwanisa kupinda muhurumende nekuda kwehumbimbindoga hwebato reZanu PF, vakatsinhira danho rebato ravo rekuti harizi kuzopinda musarudzo dzose dzichaitwa munyika kusvikira mitemo inosanganisira yekufambiswa kwesarudzo yagadziridzwa.

Pamubvunzo wekuti saka bato ravo richapinda sei muhurumende, VaTsvangirai havana kunyatsobuda pachena vachipa muenzaniso wevatammbi vebhora avo vati havarambe vachiudzwa zvekuita kana vave munhandare.

Asi sachigaro weboka revechidiki reMDC-T, VaHappymore Chidziva, avo vataurawo pagungano iri vabuda pachena vakati munguva pfupi iri kutevera, vechidiki vebato iri vachatumira gwaro rekunyunyuta kwavo pamusoro pekushaya mabasa, vakaenderera mberi vachiti vechidiki ava vacharatidzira kana VaMugabe vakasavapa mhinduro inogutsa.

VaChidziva vati vechidiki vemuZimbabwe vari parumananzombe sezvo vari kuona nhamo munyika uye vamwe vavo vakanotsvaga raramo kuSouth Africa vave kufa mumhirizhonga iri kuitwa nevanhu vekuSouth Africa kuvanhu vanobva kunze kwenyika iyi.

Musangano wanhasi wange wakananga nekuudza vechidiki vasiri kushanda kuti MDC-T ine hurongwa hupi hwekuunza mabasa uye kugadzirisa mamwe matambudziko akatarisana nenyika kana yapinda muhurumende.

Bato iri rashandisawo mukana uyu kuti riburitse pachena danho raro rekuti harichapinda musarudzo dzipi zvadzo munyika kusvika mitemo yavandudzwa.

VeMDC-T vatorawo mukana wekuzivisa nezvekudzoka kubato iri kwevamwe vatsigiri vaive vambosiya bato iri kusanganisira vaimbove meya weguta reGweru, VaTedious Chimombe, pamwe nevaive mutevedzeri wavo, VaTaurai Demo.

Vanoziva zviri kuitika mu MDC-T vanoti bato iri rinofanirwa kuisa misoro pamwe chete, kwete kuita mweya yekufungirana zvakaipa sezviri kuitika mubato iri pari zvino, kana richida kubudirira musarudzo dzichaitwa munyika. Vanhu ava vanoti hapana chinobudirira kana vanhu vasina kubatana uye vachiita muonera pamwe pazvinhu zvavanoita sebato.

XS
SM
MD
LG