Accessibility links

Breaking News

Mapato Otaura Pamusoro peZviri Kunetsa Munyika


MDC president Morgan Tsvangirai
MDC president Morgan Tsvangirai

Vanhu vakawanda munyika vari kutenderana kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika zvakaita manyama amire nerongo zvopa kuti vakawanda vanonge svosve nemuromo.

Kutanga svondo rinouya neMuvhuro tichaita hurukuro nevatungamiri vemapato ezvematongwo enyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatungamiri vemapato anopikisa munyika vanoti hurumende yeZanu-PF iri kutonga pari zvino haisi kukoshesa nyaya yekugadzirisa hupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

Nekuda kwekuti vanopikisa vanoti chirongwa chehurumende cheZimAsset kupedzera hoko padehwe retsindi, vakawanda vanopikisa vari kuuya nezvirongwa zvavo zvavanoti zvinogona kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Vanotungamira bato reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma, vanoti vane gwara rakajeka rekugadzirisa hupfumi.

Ukuwo vanotungamira bato reAfrican Democratic Party, Amai Marcellina Chikasha, vanotiwo chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema chapawo kuti zvinhu zviende kumawere.

Vaimbova gurukota rezvemari vachitungamira bato reMavambo Kusile Dawn, VaSimba Makoni, vanotenderana naAmai Chikasha.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanotiwo kushaya gwara rakajeka kwehurumende yaVaRobert Mugabe ndiko kwapa kuti nyika igume yapinda muna taisireva.

Vanotungamira bato reAfrican National Party, VaEgypt Dzinemunhenzva, vanotiwo nenyaya yekuba kuri kuitwa nehurumende iripo, hapana hupfumi hunganzi huchiripo hungagadziriswa.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vanoti vemapato anopikisa vanongoshora vasina kana zvine musoro zvavanokwanisa kuita.

Vanoti nyaya yezvirango ndiyo yapa kuti nyika igwadame.

Kunyange vatungamiri vemapato anopikisa vari kuti Zanu-PF iri kutadza kutonga, VaTendai Biti vanotungamira bato rePeople’s Democratic Party, vanoti naivo vanopikisa vari kukundikana nekutadza kuita chirwirangwe chemakudo.

Mutauriri wechikwata chePeople First, VaRugare Gumbo, vanoti vari kutaura nemapato ose nechinangwa chekuda kuita mushandirapamwe wemajuru.

Asi muzvinafundo Lovemore Madhuku vanotungamira bato reNational Constitutional Assembly vanotiwo hazvibatsire kungobatana pasina gwara rakajeka.

Izvi ndozvimwe zvichakurukura kutanga neMuvhuro svondo rinouya apo Studio7 ichataura nevatungamiri vemapato ava.

XS
SM
MD
LG