Accessibility links

Breaking News

Zvikonzi Zvinotadziswa Kutora Midziyo yaVaTsvangirai neBato Ravo


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Zvikonzi zvedare redzimhosva zvaenda kumba kwemutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, pamwe nekumahofisi ebato iri zvichida kutora midziyo zvichitevera nyaya yakakwidzwa kudare nevamwe vashandi vaimboshandira bato iri, asi zvakakundikana.

Zvikonzi izvi zvanga zvakachengetedzwa nemapurisa anga ari mumarori maviri akapakatira zvombo zvafumira kuenda kumba kwaVa Tsvangirai nekumuzinda we MDC-T pa Harvest House zvichida kutora midziyo yaVa Tsvangirai pamwe nebato ravo.

Izvi zvinotevera nyaya yakanzwikwa mudare rinotonga nyaya dzevashandi iro rakatura mutongo wekuti Va Toendepi Shonhe nevamwe vashandi gumi nevatanhatu, avo vakadzingwa basa ne MDC-T vaikwanisa kutora midziyo yebato iri kuti vatengese kana vapedzerana mumatare neMDC-T panyaya dzemari yemihoro.

Gweta re MDC-T panyaya iyi uye varivo munyori mukuru mubato iri, Va Douglas Mwonzora, vaudza Studio 7 kuti zvaitwa izvi zvanga zvakanangana nekuzvidza Va Tsvangirai nebato ravo sezvo vachiti vakapihwa mutongo wekuti pasawane midziyo yavo inotorwa.

Va Tsvangirai vanga vari pamuzinda webato ravo pasvika zvikonzi izvi.

Va Mwonzora vati vachakwidza nyaya iyi kumatare zvakare vachichema nerokuti mutongo wedare wekuti midziyo yebato ravo isatorwe naVa Shonhe nevamwe vavo wazvidzwa.

Vaenderera mberi vachiti magweta ava kushandiswa naVa Shonhe nevamwe vavo e Consultancy Bureau Services haana kunyoresa kusangano rinowona nezvekunyoreswa kwemagweta munyika re Law Society of Zimbabwe.

Gweta rakamirira Va Shonhe nevamwe vavo pakanzwikwa nyaya iyi nedare rinotonga nyaya dzevashandi nevashandirwi, Va Wilson Manase, vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi sezvo vasisiri kumirira Va Shonhe nevamwe vavo.

Studio 7 yakundikana kutaura nemagweta e Consultancy Bureau Services kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

VaShonhe nevamwe ava vakasiya basa ku MDC-T vachienda nechikwata chevaimbova munyori mukuru mu MDC-T, Va Tendai Biti, avo vave neravo bato ravari kudaidza kuti MDC Renewal Team asi vakazoenda kumatare vachiti vanoda kubhadharwa mari dzemihoro neMDC-T kunyange hazvo vanga vasisashandire pa Harvest House izvo zvaipikiswa neMDC-T.

Mune imwewo nyaya nyaya ine chekuita nematare, vatungamiri vesangano rinomirira vanotengesa mumigwagwa re National Vendors Union of Zimbabwe, Va Samuel Wadzai, pamwe naVa Stan Zvorwadza, vanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso panyaya yekukonzera mhirizhonga kwavanonzi vakaita pamahofisi ekanzuru ye Harare svondo rapera.

Mutongi wedare ramejasitiriti, Va Tendai Mahwe, vati Va Wadzai naVa Zvorwadza nevamwe vavo gumi nevana vanogona kukonzeresa mhirizhonga zvakare kana vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo nyaya yekubviswa kwevanotengesa mumigwagwa nekanzuru ichiri kutsviriridza.

Va Zvorwadza naVa Wadzai nevamwe vavakasungwa pamwechete navo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti ivo ndivo vakatorohwa nemapurisa ekanzuru pakatorererwa vanhu vanotengesera mumigwagwa zvinhu zvavo.

Va Mahwe vati vasungwa ava vadzoke kudare musi 4 Nyamavhuvhu pachaenderera nyaya yavo mudare iri.

XS
SM
MD
LG