Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano Hadzisati Dzatanga Pakati peMapato Anopikisa


Movement for Democratic Change (MDC) formation leaders Morgan Tsvangirai, Tendai Biti and Welshman Ncube. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)
Movement for Democratic Change (MDC) formation leaders Morgan Tsvangirai, Tendai Biti and Welshman Ncube. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Mapato anopikisa anoti nhaurirano dzekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa pamberi pesarudzo hadzisati dzatanga kunyange hazvo veruzhinji vakatarisira kuti mapato aya abatane sarudzo idzi dzisati dzaitwa.

Mapato anopikisa anoti nhaurirano dzekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa pamberi pesarudzo hadzisati dzatanga kunyange hazvo veruzhinji vakatarisira kuti mapato aya abatane sarudzo idzi dzisati dzaitwa.

Vachitaura nevatori venhau kekutanga gore rino vari pamuzinda webato ravo paHarvest House neChishanu, mutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, vati nhaurirano dzekuumba mubatanidzwa pakati pemato anopikisa pamberi pesarudzo dzakatarisirwa muna 2018 hadzisati dzatanga kunyange hazvo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzichiti mubatanidzwa uyu unofanirwa kuumbwa nechimbichimbi kuitira kuti pave negadziriro yakakwana pamberi pesarudzo idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kuramba kwaita VaTsvangirai kuti nhaurirano idzi hadzisati dzatanga kunouyawo apo mutauriri webato ravo, Va Obert Gutu, vakaudza Studio7 nezuro kuti nhaurirano idzi dzave pachinhanho chakakura kwazvo zvekuti veruzhinji vanofanira kugara vakateya nzeve.

Zvataurwa naVaTsvngirai zvekuti nhaurirano hadzisati dzatanga zvatsinhirwawo nemutauriri weMDC inotungamirwa naVa Welshman Ncube, Va Kurauone Chihwayi.

Hatina kukwanisa kutaura nemutungamiri wePeople’s Democratic Party, PDP, Va Tendai Biti, pamwe nevari kutaura vakamirira chikwata chePeople First, Va Rugare Gumbo, kuti tinzwe pavamire panyaya yenhaurirano idzi.

Zvichakadai, Va Tsvangirai varambawo kuti vakatuma Amai Theresa Makone, vanove mubati wehomwe mubato ravo kuti vanosangana naAmai Joice Mujuru vachiti sebato havasati vave kutaurirana naAmai Mujuru nezvekuumba mubatanidzwa wemapato nepamusana pekuti bato rePeople First rinonzi riri kutungamirirwa naAmai Mujuru harisati raparurwa.

Kunyange hazvo zvichinzi nhaurirano idzi hadzisati dzatanga, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va David Masunda, vanoti mapato anopikisa anofanira kuita nhaurirano idzi nechimbichimbi kuitira kuti veruzhinji pamwe nevemapato aya vawane nguva yakakwana yekugadzirira sarudzo dzemuna 2018.

VaTsvangirai vatiwo vakazvipira kushanda nevamwe vakavapandukira vakaumba mamwe mapato vakaita saVaTendai Biti pamwe nemutungamiri webato reRenewal Democrats of Zimbabwe, Va Elton Mangoma, vachiti matambudziko akatarisana neveruzhinji munyika pari zvino haadi kuti vanhu vaswere vachinongedzerana zvigunwe

Va Biti naVa Mangoma vakapatsanurana naVaTsvangirai vakaumba MDC Renewal Team zvichitevera kukundwa kwakaitwa MDC-T muna 2013. Asi vaviri ava vakazopatsanurana zvakare gore rapera vave kurwira hukuru.

Panyaya yekunetsana kunonzi kuri mubato ravo vamwe-vakuru vachinzi vari kurwira zvigaro, Va Tsvangirai vachagadzirisa nyaya iyi vachiti chakakosha ndechekuti vatungamiri vebato ravo vashande zvakasimba kuti munyika muve nehutongi hwejekerere kwete kuswera vachirwira zvigaro.

MuZanu PF munonziwo mune makakatanwa ayo ave kubuda pachena nekutukana kuri kuita gurukota rezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, nemutauriri waVa Mugabe, Va George Charamba, padandemutande kana kuti pa internet.

Zvichakadai, Va Tsvangirai vakurudzira sangano reEuropean Union kuti riwone kuti hurumende yagadzirisa zvose zvinoda kuitwa kuti munyika muve nehutongi hwejekerere painenge ichiita nhaurirano dzayo nehurumende yeZimbabwe.

Zimbabwe yanga isiri kudyidzana neEU kwemakore akati kuti zvichitevera kubirira kunonzi kwakaita Zanu PF musarudzo pamwe nekutyora kwaiita hurumende kodzero dzevanhu

XS
SM
MD
LG