Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoshanyira Mhuri yaVaItai Dzamara


Australia Zimbabwe
Australia Zimbabwe

Mutungamiri we MDC, Va Morgan Tsvangirai, vashanyira neMuvhuro mhuri yemutungamIri we Occupy Africa Unity Square, uye ari murwiri wekodzero dzevanhu, Va Itai Dzamara, avo vakapambwa masvondo maviri adarika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura nevatori venhau mushure mekushanyira mhuri yaVa Dzamara, avo vakapambwa musi wa 9 Kurume, Va Tsvangirai varamba mmashoko akabuda mubepanhau re Herald neMugovera ekuti bato ravo riri kuziva kuna Va Dzamara.

Bepanhau iri rakaburitsa mashoko nemusi weMugovera ekuti Va Tsvangirai pamwe nebato ravo ndivo vari kuziva kuna Va Dzamara richiti bato iri rakahwandisa Va Dzamara kuti rigowana chekutaura kune vekunze.

Bepa iri rinotiwo Va Tsvangirai vakashandisa rwendo rwavo kuenda ku America kunosvibisa zita rehurumende pamwe nebato reZanu PF zvichitevera kupambwa kwakaitwa Va Dzamara.

Vapedza kuonana nemudzimai waVa Dzamara pamwe naamai vaiye Dzamara, Va Tsvangirai vaenda panogerwa misoro panonzi ndipo pakapambirwa Va Dzamara vari pakati pekugerwa vakataura nevaivagera uyo aramba kubuditsa zita rake pamhepo.

Mugeri uyu audza Va Tsvangirai kuti Va Dzamara vakapambwa nevarume vashanu vaifamba nemotokari chena yemhando ye Isuzu mushure mekuvasunga mumawoko.

Zvichakadai, Va Tsvangirai vati zviri pachena kuti Va Dzamara vari mumawoko ehurumende vakakurudzira kuti vavaburitse muhupambwa nekukasika.

Vati vari kushuvira kuti dai Va Dzamara vadzoswa nevakavapamba vakwanisa kusangana zvakare nemhuri yavo.

Munyaya yakakwidza kudare nemudzimai waVa Dzamara, Amai Sheffra Dzamara, magweta ehurumende akaramba kuti hurumende haina zvairi kuziva nekupambwa kwaVa Dzamara.

Mutevezeri wemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vakashorawo kupambwa kunonzi kwakaitwa Va Dzamara vachiti hurumende ichatora matanho akawomarara kune avo vachabatwa vaine mhosva yekupamba Va Dzamara.

Kupambwa kwaVa Dzamara, avo vari kukurudzira kuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vasiye basa, kwakasvorwawo nemasangano anoshanda akazvimirira emuno pamwe nehurumende dzekunze dzinosanganisira America neBritain.

XS
SM
MD
LG