Accessibility links

Breaking News

Magweta Anoti VaTomana Havafanirwe Kushanda Munguva Iyo Vanenge Vachitongwa

VaJohannes Tomana vanosvika padare vchiperekedzwa nemapurisa ane zvombo.
VaJohannes Tomana vanosvika padare vchiperekedzwa nemapurisa ane zvombo.

Vachitaura vakamirira sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDzimbabwe Chibga, vati kunyange hazvo dare risina kurambidza VaTomana kuenda kubasa pavakabhadhara mari yechibatiso, hazvigoni kuti VaTomana varambe vachienda kubasa ivo vakatarisana nenyaya yavari kupomerwa.

Mamwe magweta anoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzemitemo zvichitevera kuenda kubasa neChipiri kwaitwa nemuchuchisi wenyika, VaJohannes Tomana, avo vakabvisiswa mari yechibatiso neMuvhuro kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

Vachitaura vakamirira sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDzimbabwe Chibga, vati kunyange hazvo dare risina kurambidza VaTomana kuenda kubasa pavakabhadhara mari yechibatiso, hazvigoni kuti VaTomana varambe vachienda kubasa ivo vakatarisana nenyaya yavari kupomerwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rimwe gweta rinorwira kodzero muHarare raramba kudomwa nezita ratsigirawo izvi richiti VaTomana vanofanirwa kugara kumba kusvika nyaya iyi yapera kumatare.

Gore rapera VaTomana vakambopinda muna taisireva apo mudzimai wemutungamiriri wenyika, Amai Grace Mugabe, pamwe nevanorwira kudzero dzevana vakakurudzira kubviswa kwavo pabasa mushure mekunge vati vana vane makore gumi nemaviri vanogona kuitwa vakadzi vevanhu.

Asi VaTomana vakazobuda vachigadzirisa zvavanoti vanhu havana kunzwisisa zvavakange vataura.

VaTomana vakapihwa basa remuchuchisi wenyika mushure mekunge hurumende yabvisa VaSobuza Gula Ndebele pabasa iri.

VaGula Ndebele vakasungwawo muna Mbudzi 2007 vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo yebasa ravo.

XS
SM
MD
LG