Accessibility links

Breaking News

Fodya Yotengeswa Vamwe Varimi Vachigunun'una neMitengo


Mabhero anodarika zviuru zvishanu anonzi atengeswa pakuvhurwa kwemisika mitatu
Mabhero anodarika zviuru zvishanu anonzi atengeswa pakuvhurwa kwemisika mitatu
Zimbabwe yavhura mwaka wekutengeswa kwefodya muHarare neChitatu mutengo wepamusoro uchinzi wapinda mumadhora mashanu pakirogiramu imwe chete.

Vachitaura pakuvhurwa kwemwaka uno, sachigaro weTobacco Industry Marketing Board, Amai Monica Chinamasa, vati varimi vanodarika zviuru makumi masere nezvisere vakanyoresa kurima fodya.

Vati pakati pavo zviuru makumi maviri nezvitanhatu varimi vatsva, vanodarika chiuru vachibva kumatunhu anoti Masvingo, Midlands neMatabeleland North.

Amai Chinamasa vakurudzirawo varimi kuti vatevere zvibvumirano zvavakaita nevakavapa zvekurimisa, kwete kuti vazotengesa fodya yavo kune mamwe makambani.

Amai Chinamasa vati bhodhi ravo rakapa misika mitatu inoti Boka Tobacco Auction Floor, Tobacco Sales Floor nePremier Tobacco Floors mvumo yekutenga fodya gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaurawo semunyarikani, gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, vatiwo fodya yakawanda yakasimwa munguva yekupisa yakakanganisika sezvo mvura yakanonoka kunaya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vamwe varimi vanoti havana kugutsikana nemitengo yatengwa nayo fodya zhinji, sezvo yanga iri pasi pemitengo yavanga vakatarisira yemadhora matanhatu nemasendi makumi manomwe nemashanu pakirogiramu imwe chete.

VaLazarus Nyatsungo Machipisa murimi wefodya wekuMagunje, kuMashonaland West, mumwe wevarimi vanoti havana kugutsikana nemitengo iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi havasi vose vari kugunun’una nemitengo iyi sezvo mumwe murimi, VaTanga Josphat vekuMacheke, vari kuti vafadzwa nemitengo yavhurwa nayo misika.

VaJosphat vanoti vanotarisira kuti chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema chichabudirira kuburikidza nekuwanda kwevarimi vechitema vaendesa fodya kumisika.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Fodya inodarika mabhero zviuru zvishanu yatengeswa pamisika.

Fodya ine huremu hunosvika mamiriyoni zana nemakumi manomwe iri kutarisirwa kutengeswa mwaka uno.
XS
SM
MD
LG