Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanotura muparamende hurongwa hwehurumende hwekugadzirisa mitemo yenyika kuitira kuti ikwezve vekunze kuti vazodyara hupfumi hwavo munyika pamwe nekuvandudzwa kwemitemo inobata vashandi nevashandirwi….
Vashandi vakamiswa basa kuNational Railways of Zimbabwe vopikisa mudare repamusoro kudzingwa kwavakaitwa pamabasa….
Rhandi rekuSouth Africa roramba richipera huremu hwaro zvichaenzaniswa nedhora rekuAmerica……..
Muchirongwa che LiveTalk tiri kutarisa mashoko aparurwa naVaMugabe muparamende nhasi…..