Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zvokweshana neSvondo neMugovera


Chikwata chenyika chemutambo werugby chaenda kuNamibia masikati eChina uko chiri kunorwira mukombe we2015 Africa Cup.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

MaSables haana kugadzirira zvakakwana nemhaka yekushaikwa kwemari izvo zvaimanikidza vatambi kuenda kunhandare kugadziriro vachibva kumba.

Murairidzi wechikwata ichi, Cyprien Mandenge, anga achingochema svondo rese nemamiriro egadziriro aya asi asiya avimbisa kuti vari kunotamba nepavanogona napo pose vachitarisira kukunda.

Asi nemamiriro anga akaita gadziriro yezvikwata zviviri izvi, zviri kuratidza kuti Zimbabwe haimire pamutambo wayo neNamibia.

Asi mumutambo, zvisingatarisirwe zvinoitikawo.

Zvakamira zvakadai, makundano eCastle Lager Premier Soccer League adzoka mushure mekumbomiswa achipa nguva kumakwikwi eChibuku Super Cup.

Kune mitambo miviri iri kumedzesa veruzhinji mate mumwe wacho uri muHarare pakati peDynamos neZPC Kariba, mumwe wacho muBulawayo pakati peHow Mine neHighlanders.

Mutambo we ZPC Kariba ndiwo wekutanga weligi Dynamos ichirairidzwa naTonderayi Ndiraya mushure mekudzingwa basa kwaDavidMandigora.

Asi mumwe muteveri wechikwata ichi, VaEmmanuel Matshinya, vanoti havasi kuda kunzwa imwe nyaya kubva kuna Ndiraya kunze kwekukunda chete.

Vanoti kunyange Ndiraya atora chikwata ichi pakati pemwaka, chaakapirwa basa ndechekuona kuti Dynamos yatora mukombe.

Ndiraya anoti ari kutambisa mutambi Ronald Chitiyo uyo anga akakuvara izvo zvafadza vamwe vatsigiri veDeMbare vakaita saVaSilas Chirasha.

Highlanders neHow Mine dziri kusangana masvondo maviri akateverana mushure mekusangana svondo rapera apo Bosso yakarohwa 4-3 nemapenareti mumutambo weChibuku Super Cup.

Asi vaimbove murairidzi weTriangle, vakamboitawo mutevedzeri wemurairidzi wemaWarriors, VaGishon Ntini, vanoti iko zvino Highlanders inokunda Triangle.

Murairdziwe Caps United, Mark Mathe, uyo ari patambo pari zvino, akananga kuLarfage uko Caps United iri kusangana neFlame Lilly.

Kunyange vakawanda vari kuti maGreen Machine achakunda, mumwe muteveri wechikwata ichi, VaMisheck Chisaga, vari kutya.

Chikwata chiri pamusorosoro mumakundano aya cheChicken Inn chiri kutarisirwa kuwedzera mapoinzi acho chiri pamusoro apo chiri pamusha nechikwata cheChapungu icho chiri kuti nhasi chiri kupisa mangwana chotonhora.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:

Mugovera:

Harare City v Dongo Sawmills – Rufaro

FC Platinum v Hwange - Mandava

Tsholotsho v Triangle - White City

NeSvondo, zvikwata zvehurumende zviri kutambura, Hwahwa Prisons neBuffaloes, zviri kudamburana muAscot Stadium.

XS
SM
MD
LG