China, Kukadzi 11, 2016 Local time: 08:24

    Nhau / Matongerwo eNyika

    ZIFA Yoshorwa Zvikuru Mabatiro Ayo Basa

    ZIFA iri kushorwa zvikuru nekutadza kwayo kutumira zvikwata zvenhabvu kumakwikwiZIFA iri kushorwa zvikuru nekutadza kwayo kutumira zvikwata zvenhabvu kumakwikwi
    x
    ZIFA iri kushorwa zvikuru nekutadza kwayo kutumira zvikwata zvenhabvu kumakwikwi
    ZIFA iri kushorwa zvikuru nekutadza kwayo kutumira zvikwata zvenhabvu kumakwikwi
    Jonga KandemiiriMichael Kariati
    Vanotevera nhabvu muZimbabwe vanoti vakatsamwa zvikuru mushure mekudzingwa kwechikwata cheZimbabwe chevechidiki mumakwikwi eAfrica Under 17 Youth Championships mushure mekunge chikwata ichi chashayirwa mari yekunotamba kuCongo Brazzaville nemusi weChipiri masikati.

    Chimwe chikwata chevechidiki che Under 20 chakatadza zvakare kuenda kuAngola kunozadzisa mutambo wacho mushure mekunge ZIFA yati yashaya mari zvakare.

    Zvikwata zviviri izvi zvakatarisana nezvirango zvakaomarara kubva kusangano renhabvu muAfrica reConfederation of African Football, CAF.

    ZIFA yakaparadzawo chikwata chemaWarriors mushure mekutadza kwacho kubudirira mumakwikwi e AFCON 2013 achaitirwa kuSouth Africa gore rinouya.

    Vamwe vatsigiri venhabvu vanonzi vari kutoronga kunoratidzira kumahofisi eZIFA senzira yekuratidza kutsutsumwa kwavo.

    Nyaya yekuparara kwenhabvu munyika yave kuita kuti Zimbabwe ive chiseko pasi rose nekuda kwekukundikana kwayo kubudirira mumakwikwi enhabvu muAfrica nepasi rose.

    Imwe nhengo yeZIFA, VaNdumiso Gumede, vaudza Studio 7 kuti Zifa yakakundikana kutumira zvikwata zve Under 17 ne Under 20 kunze kwenyika sezvo isina mari.

    VaGumede vati ZIFA ine zvikwereti zvinodarika mamiriyoni mana, zvekuti iri kutoraramiswa nerubatsiro rwairi kupiwa nemutungamiri wayo VaCuthbert Dube.

    Asi vamwe vanoti sangano iri rakashandisa mari inodarika mazana masere ezviuru zvemadhora mukuita ongororo ye Asiagate, iyo yakasvitsa mukumiswa kutamba nhabvu kwevamwe vatambi pamwe nevamwe vane chekuita nenhabvu.

    Nyaya dzehuwori dzimwewo dzinonzi dziri kuregererwa dzichipinda munhabvu.

    Veruzhinji vave kukurudzira hurumende kuti itore matanho zvinhu zvisati zvanyanya kuparara asi dambudziko riripo nderekuti mutemo weFIFA haubvumidzi hurumende kuti dzipindire mukufambiswa kwenhabvu.

    Asi vamwe vanoti hapana musiyano uripo pakumiswa kutamba nhabvu neFIFA kwemakore matatu, kana kukundikana kuri kuita zvikwata zvenyika kubudirira.

    Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemitambo, uye vari mumiriri weMasvingo Central, VaJeffreyson Chitando, mumwe wevanhu vari kutsigira pfungwa yekuti hurumende ipindire mukugadzirisa dambudziko iri.

    VaChitando vati haisi nhabvu chete yaparara munyika, asi kuti mitambo yose kusanganisira tsiva, kiriketi, tenesi neragibhi nemimwe yaimbosimudzira mureza wenyika.

    Vakambotungamira sangano rePSL, VaChris Sambo, vati hurumende ndiyo inofanirwa kushorwa panyaya iyi sezvo isina kana danho zvaro rayakatora kubva panyaya yeAsiagate kusvika pakutadza kubuda kwezvikwata zvevechidiki zviuchinotamba kunze.

    VaSambo vatiwo ZIFA inofanirwa kungoenda yoga kuFIFA yokumbira kuti imbomira kutamba nhabvu kwenguva yakati kuti ichigadzirisa zvinhu zvayo, kwete kumirira mubhanwa nesangano rinoona nezvenhabvu pasi rose iri.

    Hurukuro naVaJeffreyson Chitando pamwe naVaChris Sambo
    Hurukuro naVaJeffreyson Chitando pamwe naVaChris Samboi
    || 0:00:00
    ...    
     
    X

    Nyaya ina Michael Kariati
    Nyaya ina Michael Kariatii
    || 0:00:00
    ...    
     
    X

    You May Like

    Vagari vekuMasvingo Vanoti Vomanikidza kuBhadhara Mari yeBhavhudhe raVaMugabe

    Mutungamiriri we sangano rinomiririra vadzidzisi re Progresive Teachers Union of Zimbabwe(PTUZ) VaTakavafira Zhou vati hofisi yavo yanzwa nekutambira mashoko aya kubva ku nhengo dzavo. Onai zvimwe

    Sangano reMapurisa neMauto reJoint Operation Command Rodaidzira Hurukuro neSangano Riri Kuronga Kufora paValentine's Day

    Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Activists Alliance rinoti rino katyamadzwa nedanho ratorwa nemapurisa rekushevedza nhengo dzaro kumusangano weJoint Operation Command kana kuti JOC, uyo unonzi uchaitwa neChina masikati Onai zvimwe

    VaMnangagwa naVaCharamba Vofumurwa KuMusangano weZanu-PF Politburo

    Mumiriri weHurungwe East mudare reparamende amai Sarah Mahoka vatiwo VaMnangagwa havafanire kuita kunge dhakisi vachitadza kutsiura vatsigiri vavo avo vanzi vave kunetsa vamwe vatsigiri mubato nenyaya yekuda chigaro. Onai zvimwe
    Live Talk

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes

    This forum has been closed.
    Comments
         
    Hapana apawo maonero ake. Iva wekutanga kupa muonero wako

    Facebook