Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Achaitwa Soccer Star weGore Rino?


Chicken Inn Football Club
Chicken Inn Football Club

Chikwata chakatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, cheChicken Inn, ndicho chine vatambi vakawanda vari kurwira mukombe weCastle Lager Soccer Star of the Year zvichitevera sarudzo yaitwa neMuvhuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

MaGamecorks ane vatambi vana vanosanganisira mutungamiri wevatambi, Danny Phiri, uyo runyarekupe rwanga rwuchifamba rwekuti haakodzeri kupinda pavatambi vakashura mare ava nemhaka yema yellow cards mashanu pamwe ne red card izvo akapihwa mumwaka wenhabvu gore rino.

Asi vanosarudza vati Phiri anokodzera sezvo asina ma yellow cards matanhatu nema red cards maviri sezvinotaura mitemo yavo.

Achitaura neStudio7 mukupera kwesvondo, Phiri akati akataura nevezvemitemo avo vakamuudza kuti iye aikodzera kukwikwidza mumakundano amutambi akarura kudarika vese gore rino.

Phiri abatana naClement Matawu, Elvis Chipezeze pamwe neEdmore Chirambadare, vose vari veChicken Inn vari kurwira mukombe wakakosha uyu.

Asi mumwe muteveri wemutambo wenhabvu, Muzvare Margaret Makazhu, vanoti vachitarisa pavatambi vasarudzwa, vari kuona Phiri achitora mukombe uyu.

Vamwe vatambi vasarudzwa pagumi nemumwe chete ndi Knox Mutizwa we Highlanders, Stephen Mwakatuka we Caps United, Raphael Manuvire we ZPC Kariba, Tendai Mukuruva na Ocean Mushure ve Dynamos, Hillary Bakacheza we Triangle, pamwe na Brian Muzondiwa we FC Platinum.

Kunyange hazvo vatambi ava vasarudzwa neMuvhuro, achatora mukombe uyu pamwe nevaviri vachamutevera vachazivisa pamabiko achaitwa neDelta Beverages pazuva richaziviswa.

Zvamira zvakadai, zviri pachena kuti Joey Antipas ndiye acahatora mukombe wemurairidzi akashura mare mushure mekutora mukombe we league neChicken Inn.

Tichiri munhabvu, kwakaitika mhemberero muLafarge Stadium mumusha weMabvuku neMugovera mushure mekunge chikwata cheChicken Inn chatambidzwa mukombe weLeague na General Manager weDelta Beverages, VaMunyaradzi Nyandoro.

Izvi zvaikodzera mushure merwendo rwakafambwa nemaGamecorks kubva muna Kurume kusvika musi uyo vakarova Harare City 3-1 kuti vatore mukombe uyu.

Phiri anoti zvaikodzera kuti vakunde nemhaka yematambiro avaiita kubvira makwikwi aya achangotanga.

Muongorori wezvemutambo wenhabvu, VaTendekai Munhanzva, vanoti zvanga zvanyanya kuti mukombe urambe uchingotorwa neDynamos.

Panguva iyi Chicken Inn yaipemberera kwakave nekuchema pamwe nekusuwa mumusha meBuffaloes apo chikwata chavo chakakundikana kuramba chiri muPremier Soccer League.

Chikwata ichi chakarohwa 1-0 neDynamos panguva iyo Tsholotsho Pirates yakaita mangange 1-1 neHarare City zvichireva izvo kuti Tsholotsho Pirates yave kuramba iri muPremier Soccer League.

Tsholotsho yakapedza iine mapoinzi makumi matatu neimwe chete, maviri pamusoro peBuffaloes iyo yave kubatana neDongo, Flame Lilly pamwe neWhawha kuenda kuDivision One.

Mimwe mitambo yekugumisira kwemwaka uno yakapera seizvi;

Highlanders... 0 ZPC Kariba...1

Caps United... 3 Whawha...1

Hwange...1 Triangle...2

Dongo...1 FC Platinum...1

Chapungu... 0 How Mine...0

XS
SM
MD
LG