Chitatu, Kukadzi 10, 2016 Local time: 19:40

    Nhau / Africa

    Nyanzvi Dzoshora Mabatiro eSouth Africa Zvizvarwa zveDzimwe Nyika

    Mureza weSouth AfricaMureza weSouth Africa
    x
    Mureza weSouth Africa
    Mureza weSouth Africa
    Benedict Nhlapho
    Nzvimbo inochengeterwa vanhu vari kuda kudzingwa mu South Africa, ye Lindela Repatriations Centre, yaona zvizvarwa zvakawanda  zveZimbabwe pamwe nedzimwe  nyika, zvichishungurudzwa panzvimbo iyi zvisati zvaburitswa muSouth Africa nechisimba.

    Muzuva redu rechipiri rekutarisa zviri kuitika pazvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvatyora mitemo yekupinda pamwe nekugara mu South Africa, Studio7 inonzwa zvinhu zvinosirisa zviri kusangana nevana veZimbabwe.

    Chinhu chava pachena kuti ukataura zita rekuti Lindela, kana kuti Gumbagumba, kuchizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa, hana yake inorova, nokuti anoziva zvinoitika kukamba iyi.

    Sevamwe vese vanobatwa muSouth Africa mushure mekupinda munyika iyi zvisiri pamutemo, vanhu vakawanda vemuZimbabwe vakatombochengetwawo paLindela, vasati vapinda murwendo rurefu rwekudzoserwa kumusha nechisimba, vachifamba nemotokari yemapurisa hombe yakapihwa zita rekuti Gumbagumba.

    Muna Gunyana, sangano re Lawyers for Human Rights, rakaburitsa gwaro rinoratidza kuti mashandiro enzvimbo iyi ari kutyora mitemo zvakanyanyisa, pamwe nekodzero dzevanhu.

    Gweta rinoshanda nesangano iri, Muzvare Thandeka Duma, vanoti vave nemwedzi yakati kuti vachiongorora mashandiro ekamba yeLindela. Vanoti vanhu vazhinji vanonyimwa mukana wekutsvaga hupoteri kana vaendeswa mukamba iyi.

    Muzvare Duma vanoti vanhu vekune dzimwe nyika vakachengetwa muzvimbo iyi, vanoudza sangano ravo kuti chikafu chavanopihwa hachigutsi, chipatara chacho hachinyatsoshanda nemazvo, uye magumbeze avanofuga anenge azere neinda.
    Lindela yakavakwa muna 1996, uye kamba iyi inogona kugara vanhu vanosvika zviuru zvitanhatu nemazana mashanu.

    Ongororo yakaitwa  ne Lawyers for Human Rights gore rino haina kutaura nezvekuzarisa kwevanhu pa Lindela, sezvakamboitika makore mashoma apfuura, apo pakafa vanhu vekuZimbabwe vakawanda.

    Asi SW Radio Africa yakaburitsa nyaya muna Nyamavhuvhu yekuti pa Lindela pakaitika mhirizhonga, vanhu vana vakafa, vaviri vari vekuZimbabwe.
    Mukuru webazi rinoona nezvemukati menyika muSouth Africa, VaMkuseli Apleni, vanotsika madziro vachiti hachisi chokwadi kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuLindela.

    Nhengo yebhodhi reCrisis in Zimbabwe Coalition, Amai Thoko Matshe, vanoti zviri kukanganisa mafambisirwo ezvinhu kuLindela ndezvekuti hurumende yakaisa nzvimbo iyi mumaoko ekambani yakazvimirira, izvi zvinonetsa kuti inyatsoziva mafambiro ari kuita zvinhu pakamba iyi.

    Asi Va Apleni vanoti Amai Matshe havasi kutaura chokwadi chemamiriro ezvinhu ku Lindela, vachiti hurumende iri kutarisa neziso regondo, mashandiro ekambani yeBosasa.

    Asi Muzvare Duma vanoti mhosva huru iri kuparwa nehurumende yeSouth Africa panzvimbo iyi kuchengeta vanhu kwemazuva anodarika zana nemakumi maviri, zvinove zvinopesana nemutemo wenyika.

    Asi VaApleni vanoti kudzosera munhu kunyika kwake hazvisi nyore, sezvo paine zvakawanda zvinofanirwa kutanga zvaitwa.

    VaApleni vanoti bazi ravo riri kugadzira gwaro rine mazita emunhu wese ari munyika, kuitira kubata avo vanoti kana vasungwa, vade kutsvaga hupoteri zvisinei kuti vanenge vambotsvaga mvumo vakakundikana.

    Ukuwo sangano reLawyers for Human Rights rinoti riri kukurudzira hurumende kuti iture mutemo uchaita kuti vanenge vabatwa nemhosva yekupinda munyika zvisiri pamutemo, vaende kuLindela chete kana zuva ravo rekudzoserwa kunyika yavo rasvika. Vanoti izvi zvichachengetedza mari yakawanda iri kushandiswa nehurumende pakuchengeta vanhu ava, pamwe nekubhadhara magweta apo inenge ichiendeswa kumatare nevanenge vachipikisa kudzingwa kwevanhu muSouth Africa.

    You May Like

    Nyakuda kuBhomba Kambani yaVaMugabe Okandwa Mujeri kweMakore Mapfumbamwe

    Mumwe wemhuri yaVaKuchata, Amai Joyline vati vatambira mutongo wapihwa nedare. Onai zvimwe

    Vhidhiyo Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe

    Vamwe Voshora Hurongwa hweHurumende hweKurwisa Huori

    Nekuona kutekeshera kwedambudziko rehuwori munyika, hurumende svondo rapera yakaparura chirongwa chinokurudzira vana vezimbabwe kuti vabatane mukurwisana nehuwori chainoti “Against Corruption Together”. Onai zvimwe

    Nyaya yeVarairidzi Vasingagone Rurimi rweNdebele Vachidzidzisa Vana kuMatabeleland Yotsviriridza Zvekare

    Svondo rapera dare reparamende rakazeya nyaya yekuti vadzidzisi vasingataure Ndebele vangaendeswa here kana kuti kwete kunodzidzisa munzvimbo dzinonyanyotaurwa Ndebele. Onai zvimwe

    Chikwata Chinotsigira VaMnangagwa Chodududza paHondo yeMusangano wePolitburo

    Bazi remadzimai raronga mabhazi gumi nemana kuti atakure vanhu kuenda kuHarare neChitatu. Onai zvimwe
    English

    English

    Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe.
    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30
    Live Talk

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday

    Facebook