Accessibility links

Breaking News

Arigwa Adyiwa Pakati peHighlanders, Dynamos, Harare City neChicken Inn


Castle Lager Premier League logo
Castle Lager Premier League logo
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League asvika panguva iyo vanofarira nhau vatanga kutaura nezvizvikwata zvinogona kutora mukombe uyu gore rino.

Panguva iyo zvikwata zvina zviri pamusoro zvasiyana nemapoinzi matatu chete, vatsigiri vezvikwata izvi vava kugara vakafuridzira munwe vachitarisira kuti zvikwata zvavo zvikunde.

Highlanders, iyo iri pamusoro nemapoinzi makumi mashanu neimwe, iri kusangana neHarare City, iyo ine mapoinzi makumi mashanu. Ukuwo Dynamos, iyo iri kutevera Bosso nemapoinzi makumi mashanu, iri kusangana neChicken Inn

Nhengo yeWarriors Fan Club, VaEddison Mbariro, vanoti mitambo iyi ndiyo ichabuditsa pachena kuti mukombe uri kuenda nani gore rino.

Vaimbove kaputeni uyezve vakambove murairidzi wemaWarriors, VaMisheck Chidzambwa, avo vakambotambira Dynamos, vanoti ivo makwikwi egore rino ari kunakidza zvikuru kukunda emakore apfuura.

Chikwata cheFC Platinum, icho chine mapoinzi makumi mana nemasere, ndicho chiri kunzi chingangotorera Dynamos, Highlanders pamwe neHarare City mukombe uyu pamuromo, zvikwata izvi zvikasasimba. Chikwata ichi chiri kusangana neHow Mine.

Asi VaMbariro vanoti Dynamos, Harare City, pamwe neFC Platinum dziri kurota nezvemukombe. Vanoti Bosso iri kudambura Harare City, panguva iyo Dynamos iri kurohwa neChicken Inn.

Zviri kushamisa ndezvekuti vamwe vatsigiri veDynamos vari kutenderawo kuti Highlanders yatotora mukombe. VaBlessed Mutandwa, avo vanofarira Dynamos, uyezve vachiitevera kwese kwainotamba, vanobuda pachena.

Iri rave gore rechitatu rakateverana makundano ePremier Soccer League achisvika patambo.

Gore rapera, Highlanders yakatorerwa mukombe uyu pamhino neDynamos mushure mekunge zvikwata izvi zvapedza zvine mapoinzi akaenzana Dynamos ikatora nezvibodzwa zvakawanda.

Izvi zvakaitika zvekare muna 2011, apo Dynamos yakakunda FC Platinum nezvibodzwa zvekare mushure mekunge zvikwata zviviri izvi zvapedza zvine mapoinzi akaenzana.

Chikwata chichatora mukombe uyu chichawana mukana wekuedza kusimudzira zita reZimbabwe muCaf Champions League umo rashata nekusatamba zvakanaka kwezvikwata zvemuZimbabwe makore mashoma achangopfuura.
XS
SM
MD
LG