Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zvokweshana Mukupera kweSvondo Mumakwikwi eCLPSC


Zvikwata zviri pamusoro soro peCastle Lager Premier Soccer League zviri parumana nzombe apo makwikwi opinda muvhiki remakumi maviri nerimwe chete.

Zvikwata zvina zviri pamusoro zviri pakaoma svondo rino apo chikwata chiri pamsusoro soro cheChicken Inn chiri kusangana neHighlanders mumutambo wakaoma zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvikwata zviviri izvi zvakarohwa svondo rapera izvo zvakasiya murairidzi weHighlanders, Bongani Mafu, achibuda munhandare akadziviridzwa nemapurisa mushure mekunge vatsigiri vechikwata chake vadya marasha.

Mumusha meChicken Inn zvekare hamuna kumira zvakanaka mushure mekunge chikwata ichi chakarohwa 1-0 neHwange pamusha zvekuti vari kudawo kukunda kuti varambe vari pamusoro.

Mutambo uyu uri muBabourfields, uye uri kutarisirwa kukwezva vanhu vazhinji sezvo zvikwata izvi zvichibva zvekare muguta rimwechete.

Triangle, iyo iri pachinhanho chechipiri yakatarisanawo nedambudziko guru apo yakananga kuFC Platinum iyo isati yakundwa pamitambo gumi nemiviri yadarika.

Mutambi ari kupisa kuchikwata ichi ndi Brian Muzondiwa uyo anoti anotenda basa riri kuitwa nemurairidzi wavo, Norman Mapeza, uyo ari kumusimudzira zvikuru.

Muzondiwa uyo ari pavari kutungamira muzvibodzwa muPSL anoti arikutarisira kuramba achinwisa kuti chikwata chavo chitore mukombe weligi.

Dynamos zvekare ine mutoro mukuru apo iri kusangana neHow Mine iyo inorairidzwa naLuke Masomere.

Murairidzi weDynamos, Tonderayi Ndiraya, anoti nepavakamira pari zvino muCastle Lager Premier Soccer League vari kutarisira kukunda mumitambo yavo yese yasara kusanganisira weHow Mine iwowu.

Dynamos yakadhererwa zvikuru neHow Mine, asi mumwe mutsigiri wayo, VaLazarus Banda, vanotiwo kana Ronald Chitiyo arimo, Dembare inokunda chete

Chikwata cheCaps United icho chiri kunetseka kubvira apo Mark Harrison akabva achienda kuBotswana chakananga kuAscot uko chiri kusangana neChapungu.

Veruzhinji vanotevera chikwata ichi vari kuchema nemurairidzi wavo, Mark Mathe, asi iye anoti haisi mhosva yake sezvo chikwata chake chiri kutamba zvakanaka asi vatambi vake havasi kushandisa mikana yavari kuwana.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:

ZPC Kariba v Hwahwa

Hwange v Harare City

Buffaloes v Flame Lilly

Dongo Sawmills v Tsholotsho Pirates.

Mitambo iyi ikapera, makundano ePremier Soccer League ari kuenda kuzororo kupa mukana kumutambo wemaWarriors weAfrica Cup of Nations neGuinea uyu uri muNational Sports Stadium svondo rinotevera.

XS
SM
MD
LG