Accessibility links

Breaking News

Madzimai Akazvitakura Ovakirwa Imba paZvamavande Clinic kuShurugwi


Vamwe vagari vekumaruwa ekuShurugwi South mudunhu reMidlands vari kufara zvikuru nekuvhurwa kwakaitwa imba yekuti vana amai vakazvitakura vari kutarisira kubatsirwa vamirire kubatsirwa vachigara pane chimwe chipatara chiri munzvimbo iyi.

Madzimai akawanda emudunhu iri anoti kuvhurwa kwemba yekumirira iyi paZvamavande Clinic muWard 10 kuShurugwi South kuchabatsira zvikuru kuti madzimai akawanda ane pamuviri vakwanise kuuya kuzobatsirwa pachipatara ichi.

Vanoti izvi zvinotarisirwa kuti zvichaita kuti njodzi dzekufa kwaana amai kana kwevana pakubatsirwa, dziite shoma.

Kunyange hazvo munzvimbo yeShurugwi mune Shurugwi District Hospital, vebazi rezvehutano vanoti Zvamavande Clinic ndicho chipatara chinonyanyoshandiswa nevanhu vakawanda munzvimbo iyi.

Vakafanobata nzvimbo yamukoti mukuru wepaZvamavande Clinic, Muzvare Mary Zhou, vanoti kiriniki yavo iri kubatsira vanhu vakawanda, kusanganisira vanobva kuZvishavane.

Vebazi rezvehutano mudunhu reMidlands vanoti gore rapera mudunhu iri makafa madzimai makumi mana nevapfumbamwe panguva iyo vaibatsirwa, uye vatanhatu vavo vaive vemunzvimbo yeShurugwi.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti madzimai matanhatu pamadzimai chiuru chimwe chetemuZimbabwe vari kufa vakazvitakura pagore rega rega.

Muzvare Zhou vanoti vanotarisira kuti njodzi dzakadai hadzichazoitika nekuda kwekuvepo kweimba yekurindira yakavakwa paZvamavande Clinic iyi.

Mumwe mudzimai akazvitakura ari paZvamavande, ndiMuzvare Prisca Masvaya, avo vanobva kuHanke Mission chinove chinhanho chinopfuura makiromita makumi maviri kubva paZvamavande Clinic, ndemumwe wemadzimai vakamirira kubatsirwa vari pachipatara ichi. Muzvare Masvaya vanoti vakauya kuzogara paZvamavande nekuti kwavanogara hakuna nzvimbo yakadai.

Mumwezve mudzimai ane pamuviri ari paZvamavande Clinic, ndiAmai Moreblessing Mbinda, avo vanogara kuChitora, pamuganhu weShurugwi neChirumhanzu.

Amai Mbinda vanoti vakauyawo kuzogarira vari paZvamavande nekuti kuChitora kwavanobva hakuna nzvimbo yekadai. Vanotsinhirawo kuti kuvepo kwemba yekurindira iyi kunobatsira madzimai akaita saivo vanobva kure neClinic yeZvamavande.

Zvamavande Waiting Mothers Shelter, iyo yakavhurwa zviri pamutemo nemusi weChishanu svondo rapera, yakavakwa nemari inopfuura zviuru makumi mashanu zvemadhora.

Mari iyi yakatsvagwa nesangano reWomen's International Coalition, kana kuti Wico, kubva kuCanadian International Development Agency, uye chimwe chidimbu chemari iyi chakabva kuhomwe yeTongogara Community Share Ownership Trust.

Imba yekumirira iyi inokwanisa kuchengeta madzimai makumi matatu panguva yega yega. Kunze kweimba iyi, pane imwe imba diki yekubikira pamwe nekuwachira.

VaRex Mabeza ndisabhuku uye variwo sachigaro weVillage Development Committee yemuZvamavande Ward.

VaMabeza vanoti vagari vemunzvimbo iyi vakabatsira pakuvakwa kweimba inogara madzimai akazvitakura nekuforoma zvidhinha zvekuvakisa pamwe nekutsvaga vavaki.

Bazi rezvehutano rinoti rine donzvo rekuti pasave nemadzimai kana vana vanofa pakuzvarwa. Bazi iri rinoti chirongwa chekuve nedzimba dzinogara madzimai akazvitakura anenge ava kuda kusununguka muzvipatara zvekumaruwa chakanangana nedonzvo iri.

Vebazi rezvehutano mudunhu reMidlands vanoti nekuda kwekuti Zvamavande Clinic inoshandiswa nevanhu vakawanda vemuShurugwi, vakanyorera kugurukota rezvehutano kuti ikudziridzwe kuve district hospital.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, kuti chikumbiro ichi chava pasi.

Kunyange hazvo zvikumbiro zvakadai zvichitora nguva, pari zvino madzimai akaita saMuzvare Mashaya naAmai Mbinda, vari kurara vakasununguka vachiziva kuti kana nguva yavo yekubatsirwa yakwana, vanowana rubatsiro urwu pakarepo.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG