Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vopererwa Zvikoro Zvichivhurwa neChipiri


Vabereki ava vanoti vari kuomerwa nehupenyu nekuda kwekushayikwa kwemabasa, uyewo vamwe vavo vari pamabasa vanoti havasi kutambiriswa mari dzemihoro nenguva.

Vabereki vazhinji vari kubatira ura mumaoko vachityira kuti vana vavo vachadzoswa kuzvikoro nekuda kwekushaya mari mukutanga kwekotoro yegore rino.

Vabereki ava vanoti vari kuomerwa nehupenyu nekuda kwekushayikwa kwemabasa, uyewo vamwe vavo vari pamabasa vanoti havasi kutambiriswa mari dzemihoro nenguva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muguta maMutare vabereki vamwe vange vari mushishi kutsvagira vana vavo mayufomu matsva, uye mabhuku ekuenda nawo kuchikoro izvo zviri kuvhurwa Chipiri.

Asi vakawanda vari kuchema nerekuti havana pekutangira sezvo vasiri mumabasa, uyewo mabasa emaoko avanozviitira haazi kukwanisa kuvapa pundutso sezvo kusina vakawanda vane mari yekuvatengera zvakasiyana-siyana zvavanazvo.

Mumwe wevakatarisana nedambudziko rekushaya mari yechikoro yevana vavo, ndi Amai Wadzanai Maunga mugari weSakubva, avo vanoita basa rekutengesa masaga ekuisira zvinenge zvatengwa pamisuwo yemuzvitoro zvihombe zvakaita savana Spar, TM uye neOK.

Amai ava vanoti vari kutyira kuti vana vavo pamwe chete nevevamwe vari pachinzvimbo chakafanana navo vachasiya chikoro mwaka uno nekuda kwekunyanya kunetsa kuri kuita kuwana mari.

Mumwe akatarisana nedambudziko iri ndi Amai Patience Munhandi avo vanogara mumusha weDangamvura.

Amai Munhandi vanoti vanoshuvira kuti dai mabasa ekuti vanhu vashande achiwanikwa kuitira kuti vakwanise kuzviitira zvinhu zvavo pasina kurarama hupenyu hwekupemha nguva dzose.

Vamwe amai vanogara mumusha weChikanga maMutare, Amai Rebecca Manikai, vanoti basa remusika ravari kuita harisi kukwanisa kuti vaite mari inokwana kuti vawanire vana vavo vana mari yechikoro.

Amai ava vanoti vanokumbira kuvakuru vemuzvikoro nekuhurumende kuti vabvumire vabereki kubvisa mari yechikoro zvishoma nezvishoma kwete kudzosera vana kudzimba.

VaShupikai Mapangire mugari wemuZimunya pedyo neguta reMutare uye vanoita basa remutengesa ma juice cards embozhanhare.

VaMapangire vanochemawo nerekushaya vanovatengera kuti vakwanise kuwana mari yakakwana yechikoro yemwana wavo.

Asi VaEphraim Chitinha vemumuusha weWestlea, vanotiwo nguva ino vana vanofanirwa kunge vachienda nezvakakwana kusanganisira mari yechikoro inenge yabviswa yakakwana uye mbatya dzechikoro, nezvekudya zvakaringana kune avo vari kuBoarding.

Kunyange hazvo VaChitinha vachiti vavo vana vavawanira sekugona kwavo asi vazhinji vakita saVaTitus Munjoma vari kugomera nenyaya yekuvhurwa kwezvikoro iyi.

VaMunjoma vanoti kunyange hazvo moyo wavo uchida kuitira vana vavo semubereki zvaanosungirwa kuita, vakaomerwa kwazvo.

Mumwe mugari wekuNyanyadzi mudunhu reManicaland, VaMaxwell Matiashe, vanotiwo vanotarisira kuti sezvo dzidzo iri kodzero yemwana wose wemuZimbabwe, paifanirwa kurerutswa pamutemo kuitira kuti vana vasadzingwe kuzvikoro.

Mumwe murairidzi mukuru wepane chimwe chikoro muno maMutare uyo aramba kuudomwa nezita rake sezvo asina mvumo yekupa mashoko kuvatori venhau anoti kunyange hazvo hurumende ichiti haitenderi kuti vana vadzoswe kudzimba nenyaya yekusabhadhara mari yechikoro yakakwana, hapana zvavanokwanisa kuita kunze kwekuvadzosa kuti vabvise mari sezvinenge zvaita vamwe.

Mukuru uyu anoti chikoro chinenge chichida kutenga zvekushandisa zvevana nekudaro hapana mwana anenge asina kubvisa anozokwanisa kuwanirwa zvekushandisa iye asina kubvisa mari yacho.

XS
SM
MD
LG