Accessibility links

Breaking News

S. Africa Yokurudzira Zvizvarwa zveZimbabwe Kuti Zvitore Magwaro Azvo


Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.
Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.

Hurumende yeSouth Africa iri kuyambira zvizvarwa zveZimbabwe zvakanyorera magwaro ekushanda nekugara munyika iyi kuti zvinotora magwaro aya musi wa 30 Gunyana usati wapfuura.

Bazi rezvemukati meSouth Africa rinoti vanhu ava ngavaende kumahofisi eVFS Global Centers vachinotora magwaro avo.

Bazi iri rinoti mahofisi aya achange akavhura kubva nemusi weMuvhuro kusvika nemusi weMugovera kutanga na 8 mangwanani kusvika na 5 dzekuvira kwezuva.

South Africa inoti vakakumbira mvumo vasati vapindurwa ngavaendewo kumahofisi eVFS vachinobvunza.

Pane zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri ezviuru zvakakumbira ma permits kuSouth Africa pasi pechirongwa cheZimbabwe Special Dispensation.

Asi hazvisati zvazivikanwa kuti vangani vakapihwa magwaro aya.

Amai Diana Zimbudzana, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Exiles Forum, vanoti vose vakanyorera mvumo yekushanda nekugara muSouth Africa vanofanirwa kuenda kumahofisi ari pedyo navo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG