Accessibility links

Breaking News

Vakuru veSADC Vokurudzirwa Kuremekedza Kodzero dzeVanhu


sadc
sadc

Masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kukurudzira kuti vatungamiri venyika dzekuchamhembe kwe Africa, ve Southern Africa Development Community, SADC, vazeye nyaya dzinosimudzira kodzero dzevanhu pamwe nehupfumi mu Zimbabwe nedzimwe nyika dziri mumubatanidzwa uyu.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChina pamberi musangano wevatungamiri venyika dziri mu SADC uchaitirwa ku Victoria Falls pakupera kwesvondo, mukuru anowona nezvekufambiswa kwemabasa musangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Va Dzimbabwe Chimbga, vakurudzira vatungamiri venyika dziri mu SADC kuti vatsvage nzira dzekugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzekucherechedzwa kwekodzero mu Zimbabwe.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mukuru wesangno rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose re Amnesty International mu Southern Africa, Va Deprose Muchena, vakurudzira mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kuti vasaite humbimbindoga, asi kuti vateerere vamwe vatungamiri venyika dziri mumubatanidzwa we SADC.

Zimbabwe ndiyo ichapihwa husachigaro hweSADC pamusangano uyu, vachitora chigaro changa chiina VaPeter Mutharika, mutungamiri weMalawi. Va Mugabe, semutungamiri wenyika, ndivo vachange vari sachigaro wemubatanidzwa uyu kwegore.

Va Muchena vatiwo musangano we SADC unofanira kugadzirisawo nyaya dzehupfumi pamwe nekupedza kutambura pakati pevanhu vari munyika dziri mu SADC.

Asi Va Chimbga vanoti Va Mugabe vanofanira kutanga vatarisa chinongo chiri muziso ravo vasati vatanga kugadzirisa nyaya dzekune dzimwe nyika pavachatora matomhu eSADC.

Pane dzimwe nyika dziri mu SADC dzakaita se Angola, Malawi, Mozambique pamwe Swaziland dzinonzi nemasangano anorwira kodzero dzevanhu hadzina kunyatsomira zvakanaka panyaya yekucherechedzwa kwekodzero dzevanhu uye munyaya dzezvehupfumi

Zvichitevera sarudzo dzegore rapera idzo dzinonzi ne MDC-T dzakabirirwa zvemhando yepamusoro-soro, Va Chimbga vakurudzira Va Mugabe kuti vasarambe kutaura nemutungamiri we MDC-T, Va Morgan Tsvangirai, pagakava rezvematongerwo enyika mu Zimbabwe sezvo Va Mugabe vachazenge vapfeka bhachi re SADC panopera musangano uyu.

Va Tsvangirai vanoti kuti zvinhu zvimire zvakanaka munyika, panofanirwa kuitwa nhaurirano pakati pevatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika pamwe nevemabhizimusi, vashandi nevemasangano anoshanda akazvimirira.

Mukuru wesangano re Human Rights Watch mu Southern Africa, Muzvare Tiseke Kasambala, vatiwo kuti zvinhu zvinake mu Zimbabwe pamwe nedzimwe dziri mu SADC, masangano anoshanda akazvimirira pamwe nemasangano enhau anofanira kushanda akasununguka.

Zvichakadai, mumiriri we African Union pakurwisa kuroodzwa kwevana vachiri vadiki, Amai Nyaradzai Gumbonzvanda, vakurudzirawo vatungamiri veSADC kuti vabude nezvisungo zvavanokwanisa kutevedzera zvinoita kuti kuroorwa kwevana vachiri vadiki mu Africa kupere.

Amai Gumbonzvanda vati pane vana zviuru makumi matatu nezvishanu vanoroorwa pagore pasi rose vasati vasvitsa makore avanosungirwa kuti varoorwe zviri pamutemo.

Vati izvi zviri kukonzerwa nenhamo pamwe nekusamira zvakanaka kwehupfumi.

Musangano wechimakumi matatu nemana we SADC uyu uri kuitwa paine chinangwa chekubuda nezviga zvedunhu munyaya dzekusimudzira hupfumi uye kushandisa hupfumi hwedunhu iri mukusimudzira vanhu vemu SADC.

XS
SM
MD
LG