Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Anoti SADC Ngaizeye Nyaya yeZimbabwe


Masangano akazvimirira oga emuZimbabwe nekunze, ayo anorwira kodzero dzevanhu, anoti ari kutsutsumwa zvikuru nezviri kuitika munyika dzemuSadc dzinosanganisira Angola, Malawi, Swaziland, Zambia neZimbabwe.

Masangano aya anoti Sadc inofanirwa kuzeya nyaya idzi pamusangano wayo uchatanga muVictoria Falls nemusi weSondo.

Masangano aya, ayo anosanganisira Human Rights Watch, Amnesty International pamwe neZimbabwe Lawyers for Human Rights, anotiwo achabudisa neChina mashoko kuvatori venhau muHarare zvaanoda kuti zviitwe neSadc pamusangano uyu.

Musangano weSadc uyu uchabata nyaya dzakawanda mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, zvikurusei dzakanangana nebudiriro.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vachatora chigaro chasachigaro weSadc kubva kuMalawi.

Nyanzvi munezvematongero enyika uye vari sachigaro vesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions, VaRejoice Ngwenya, vanoti vatungamiri vemuSadc vanofanirwa kuratidza kuti vatungamiri zvechokwadi nekugadzirisa zvinenge zvichida kugadziriswa.

XS
SM
MD
LG