Accessibility links

Breaking News

Rooftop Yovaka Muzinda weChizvinozvino Munyaya dzeMitambo


Zimbabwe Artists
Zimbabwe Artists

Mukuru weRooftop Promotions, VaDavies Guzha, vanoti musha mutsva uyu uchasimudzira mitambo, mabhaisikopo kana mafirimu emuno ayo asina kwaari kuratidzwa pari zvino.

Kambani yeRooftop Promotions inoti iri kuronga kusimudzira mabhaisikopo pamwe nemafirimu emuno zvichitevera kupihwa kwayo mvumo nehurumende
yekuratidza mitambo pamwe nemabhaisikopo kana mafirimu emuno pamuzinda wayo mutsva weTheatre in the Park uyo uchavhurwa muHarare Gardens mukutanga kwaKurume gore rino.

Vachitaura apo vairatidza vaimbi vemitambo yemafirimu pamuzinda mutsva weTheatre in the Park uyo uri kuvakwa nerutsigiro kubva kumizinda
yenyika dzakasiyana siyana dzakaita seAmerica neBritain muZimbabwe, mukuru weRooftop Promotions, VaDavies Guzha, vanoti musha mutsva uyu
uchasimudzira mitambo, mabhaisikopo kana mafirimu emuno ayo asina kwaari kuratidzwa pari zvino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaGuzha vanotiwo donzvo ravo nderekuona kuti izvi zvaitwa zvine mwero uyewo kuti vanoita mitambo iyi vawane chouviri sezvo mitambo yavo kana
mabhaisikopo anenge ave kuonekwa nekutengeswa vanhu vachibhadhara.

VaGuzha vanoti vanodawo kuti mafirimu asimudzire hupfumi hwenyika sezvinoitika kune dzimwe nyika uye itariro yavo kumaterevhizheni ari
kuvhurwa matsva muKurume achange avewo kutenga mafirimu kubva kukambani yavo.

VaStephen Chifunyise avo vanonyorawo mitambo yakasiyana siyana vanoti danho ratorwa neRooftop Promotions richasimudzira mabasa emitambo
zvakanyanya munyika.

Muimbi ane mukurumbira, zvakare achitambawo mumafirimu Oliver Mtukudzi, anotiwo musha mutsva uyu uchabatsira zvikuru uye shuviro yake ndeyekuti
dai misha yakaita seuyu yavakwa mumadhorobha ese munyika.

Mumwewo muimbi ane mukurumbira munyika, Bob Nyabinde, anoti pane kushora kuonitwa vaimbi kana vatambi vemuno uye anoona sekuti veTheatre in the Park vachavandudza mabasa evaimbi nevatambi.

VaGuzha vanoit kunze kwekuratidza mabhaiskopo pamwe nekuti vaimbi varidze panzvimbo iyi, Theatre in the Park ichapawo mukna kune vanoita
mitambo yemafirimu kana madrama kuti vadzidzire kuita izvi pachena.

Vanotiwo muzinda mutsva uyo uchange uine michina yekurekhodha mimhanzi, mafirimu kana madhirama uyewo unenge uine dzimwe dzimba dzekuitira
misangano.

VaGuzha vanoti pachange paine zvirongwawo zvekuzeya zvinenge zvichiitika munyika, zvichange zvichidaidzwa kuti State of the Nation.

Pari zvino veTheatre in the Park vanoitira mitambo yavo munvzimbo dzakasiyana siyana uye nzvimbo zhinji dzinoratidza mitambo nemafirimu
dzinowanzo ratidza mitambo nemafirimu ekunze uye dzakavakwa kumakore ekuma 1960.

XS
SM
MD
LG