Accessibility links

Breaking News

Paramende Inopasisa Bhiri reRBZ Kuti Hurumende Itore Zvikwereti Zvayo Zvose


Parliament of Zimbabwe
Parliament of Zimbabwe

Dare reNational Assembly rapasisa bhiri reReserve Bank of Zimbabwe Debt Assumption iro rinopa hurumende mvumo yekutora zvikwereti zvese zvebhanga guru renyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Banga iri rine zvikwereti zvinosvilka bhiriyoni nemazana matatu ezviuru zvemadhora.

Bhiri iri rapasa mushure mekupopotedzana pakati penhengo dzebato reMovement for Democratic Change pamwe nhengo dzeZanu PF, MDC ichiti vose vane zvikwereti kuRBZ havafanirwe kuvhota.

Zvichitevera kupopotedzana uku, dare razovhota uye nhengo dzeZanu PF zana negumi neshanu dzatsigira bhiri iri, nhengo makumi matatu nenomwe dze MDC dzapikisa bhiri iri.

Vachitaura mushure mekuvhota uku, mumiriri weKuwadzana East, VaNelson Chamisa, vebato reMDC vati zvaitwa nedare zvakashata chose sezvo rabvumidza dzimwe nhengo dzeZanu PF dzakapihwa zvinhu neRBZ kuti dzivhote.

Asi gurukota rezvamari, VaPatrick Chinamasa, avo vakaunza bhiri iri kudare vati kugunununa kwaVaChamisa nebato ravo hakuna maturo ose.

Mumiriri weBulawaro Central, Amai Dorcus Sibanda, vati vasuwa nezvaitika sezvo veruzhinji vave kuzobhadhara zvikwereti zvakatorwa nenhengo dzeZanu PF.

RBZ yakaita chikwereti ichi mushure mekutengera nhengo dzedare dzeZanu PF nevamwe vatsigiri vebato iri matirakita, motokari nezvimwe.

Amai Sibanda vanoti vanhu vemudunhu ravo vanoda kuti wese akapihwa zvinhu neRBZ abhadhare kana kudzora zvinhu zvacho kana asingakwanise kubhadhara.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nehurumende zvekutora zvikwereti zveRBZ zvakashata chose uye zvichaita kuti chikwereti chayo chirambe chichikura.

Vatiwo izvi zvinokanganisawo mukana wekuti hurumende iwane rubatsiro rwemari kubva kune dzimwe nyika nemasangano anobatsira.

Dzimwe nhengo dzeMDC dziri kukurudzira kuti nhengo dzebato dziri mudare reparamende dzibude zvadzo sezvo pasina zvido zve MDC zvadziri kumirira.

Asi vamwe vashoma vanoti vacharamba vari muparamende vachimirira zvido zvevanhu vakavavhotera.

Bhiri iri rave kuenda kudare reSenate uko rinotarisirwa kupasa nyore nyore sezvo Zanu PF ine nhengo dzakawanda kudarika MDC mudare iri.

Kana rabva ikoko rinobva ranosainwa nemutungamiriri wenyika kuti rive mutemo.

XS
SM
MD
LG