Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yokumbira Kusangana naVaMugabe


PTUZ
PTUZ
Rimwe remasangano evarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti neMuvhuro ranyorera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, tsamba richikumbira kuti vasangane naro kuitira kuti vakurukure nezvemamiriro akaita zvinhu munyaya dzedzidzo munyika.

Sangano iri rinoti mamiriro ezvinhu munyika ari kuramba achiondomoka.

Munyori mukuru wesangano rePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti vakumbira kuti vasangane naVaMugabe sezvo gurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, vari kutadza kugadzirisa zvichemo zvavo.

VaMajongwe vanotiwo VaDokora vari kuita zano ndega mune zvimwe zvinhu, izvo vanoona sezviri kuwedzera mukudzikira kwedzidzo munyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaDokora sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

VaMajongwe vanoti mamwe masangano evarairidzi akasununguka kunge ari pamusangano uyu, kana chete vachizotaura nezwi rimwe chete pane zviri kunetsa varairidzi.

Vanotiwo tsamba yavo yatambirwa nevekuhofisi yaVaMugabe uye changosara chete ndechekuti vapiwe mhinduro, iyo vanofungidzira kuti ichauya iri inovafadza.

PTUZ inoti zvimwe zvezvinhu zvavari kuda kukurukura nemutungamiri wenyika zvinosanganisira kudzikira kwaita huwandu hwevana vari kupasa bvunzo dzavo, mabatirwo evarairidzi vakaremara, uye nyaya yemari dzekubatsirika dzaipiwa varairidzi, idzo dzakamiswa.

Zvichakadaro, sangano iri rinotiwo riri kushushikana nekuiswa kwemakamera mune zvimwe zvikoro muHarare.

VaMajongwe vanoti makamera aya akaiswa kuti vakuru vezvikoro vafudze varairidzi, danho ravanoti rinotyora kodzero dzevarairidzi.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvedzidzo pamusoro penyaya yemakamera iyi, uye zvikonzero zvekuti ange ari muzvikoro izvi kana chiri chokwadi.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG