Accessibility links

Breaking News

ZIMRA Yoshorwa Zvese neKurumbidzwa paChirongwa Chinoteresa Mitero Vose Vanotengesa


ZIMRA
ZIMRA

Kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzeupfumi munyika kunonzi kwave kutuma bazi remitero reZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, kutsvaga mari kubva kumapoka ose anofungidzirwa kuti haasi kubhadhara mitero kuhurumende.

Danho iri rinonzi raita kuti bazi rezvemari, kuburikidza neZIMRA, rinanganewo nevanoita zvemaoko kana kutengesa zvinhu munzvimbo dzakasiyana siyana dzenyika.

Vashandi veZIMRA vanonzi vanetsana nevanotengesa zvinhu ava neChina kuKariba.

Izvi zvinonziwo zvaitika muguta reBulawayo, uko kunonzi kwazopedzisira kwaenda mapurisa anodzimura bongozozo ranga ramuka.

Kunyange hazvo hurumende ichitarisirwa kuwana cheuwiri kubva mukubatira mitero vanotengesa zvinhu ava, vamwe vari kuchema kuti hurumende yanyanya kudzikisa gejo kana yoteverawo naivo vanoita mabasa ekutengesa zvinhu zvavo.

Sangano revanotengesa ava, reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations, rinoti haripokane zvaro nedanho rekuti nhengo dzaro dzibhadhare mitero.

Munyori mukuru wesangano iri, VaWisborn Malaya, vanoti zvakakosha zvikuru kuti patange pagarwa pasi nemapoka ose ane chekuita nenyaya iyi poonekwa nzira chaidzo dzingashandiswe kuona kuti vanhu vabhadhare mari, kwete kuti vanhu vanongomuka vonzi vabhadhare mitero.

Vazhinji vevanoita zvekutengesa ava kana vanoita mabasa emaoko vanogara vachiita hwegonzo nachin’ayi nemapurisa, dzimwe nguva zvinhu zvavo zvichiparadzwa, izvo zvinonzi zvinoita kuti vasawana mari yakawanda pakupera kwezuva kubva mukutengesa kwavo.

Asi nhengo yeZanu PF uye vachitsigira kuendeswa kweupfumi kuvatema, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti hapana chakapia kuti vanoita mabasa avo vega vabhadhariswe mutero sezvo vachingowanawo mari yakafanana neinowanikwa neakabairwa chitupa.

VaChirumhanzu vanoti kana mutero uchibhadharwa panotengwa kana suwiti chaiyo, chii chinozotadzisa kuti vanotengesa nekugadzira zvinhu vabhadhare mutero.

Vaviri ava vari kuwirirana zvavo panyaya yekuti zvinhu zviitwe mune gwara uye zvakarongeka kuitira kuti pasave nekukanganisika kwechirongwa chemitero ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG