Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Vanhu Vachiri Kutya zveMatongerwo eNyika


Zimbabwe
Zimbabwe
Sangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti vanhu vachakabatwa nekutya kukuru mumatunhu mazhinji munyika, zvekuti havakwanisi kubuda pachena munyaya dzezvematongerwo enyika.

Ongororo yakaitwa nesangano iri pakati pemwedzi yaChikunguru naNyamavhuvhu inoratidza kuti ruzhinji rwevanhu munyika harwusati rwave kukwanisa kuratidza kuti rwunotsigira bato ripi mune zvematongerwo enyika, kana kupfeka zvipfeko zvemamwe mapato asiri bato reZanu PF.

Sangano iri rinoti zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvevanhu munzvimbo dziri mumatunhu anoti Mashonaland East, Mashonaland West neMashonaland Central neMatabeleland South vakati havakwanisi kupfeka mbatya dzebato risiri Zanu PF, uye vanhu vachiri kumanikidzwa kuenda kumisangano yebato iri.

ZESN inoti hurumende yemubatanidzwa yakambounza zvishoma kugadzikana mune mamwe matunhu akaita seBulawayo uko zvikamu makumi masere kubva muzana zvematunhu zvine vanhu vanopfeka mbatya dzemapato avanoda zvisina dambudziko.

Mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vaudza Studio 7 kuti panofanirwa kuitwa dzidziso yakasimba neboka reZimbabwe Electoral Commission pamwe nemasangano akazvimirira sarudzo dzisati dzaitwa kuitira kuti vanhu vagokwanisa kunovhota vasingatyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG