Accessibility links

Breaking News

Kongiresi yeVechidiki muZanu PF Inotanga muHarare


Kongiresi yevechidiki veZanu PF yatanga neChina muHarare, nhengo dziri kupinda mumusangano uyu dzichisvika kubva mumatunhu akasiyana siyana.

Nhepfenyuro yeZBC inoti munyori wevechidiki, VaAbsolom Sikhosana, vataura pamuzinda unochengeterwa nherera weMazowe Children’s Home, unowe wemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, kuti vechidiki vari kutsigira kuti Amai Mugabe vaitwe munyori weWomen’s Assembly yebato iri.

Zvinonziwo mumwe wevechidiki ava, VaTongai Kasukuwere, vanonzi vachemachemawo nekupindira kwavanoti kuri kuitwa nevamwe vakuru mubato reZanu PF munyaya dzevechidiki.

NeChishanu musangano wevechidiki uyu unonzi uchazeya nyaya dzakasiyana-siyana, zvikuru nyaya dzeupfumi, vachizoita sarudzo dzekutsvaga hutungamiri hutsva neMugovera.

Hutungamiri uhu huri kutarisirwawo kubuda nezvisungo.

Matunhu ose anonzi akagadzirira sarudzo idzi, kunyange hazvo pari kunzi pane kukwikwidzana kwakasimba mumatunhu ose ari gumi emunyika.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vanonzi ndivo vanga vari munyarikani pamusangano apa.

Studio7 haina kukwanisa kubata vechidiki veZanu PF kuti tinzwe zviri kuitika.

Mukuru wesangano revechiki rePlatform for Youth Development Trust, VaClaris Madhuku, vanoti maonero avo ndeekuti kusawirirana kunonzi kuri kuitika mubato reZanu PF kwadzikawo zvakare kusvika kune vechidiki, izvo zvave kuita kuti vaudzwe zvekuita nezvipoka zviri mubato iri.

VaMadhuku vanoti Zanu PF inofanirwa kusiya vechidiki ava vachizvimirira mune zvose zvavanoita, chero vachizviita vachitevera gwara remusangano.

Hurukuro naVaClaris Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG