Chishanu, Kukadzi 12, 2016 Local time: 22:23

    Nhau / Africa

    Mapato Okurudzirwa Kushoropodza Mhirizhonga

    Violence in ZimbabweViolence in Zimbabwe
    x
    Violence in Zimbabwe
    Violence in Zimbabwe
    Jonga Kandemiiri
    Nechinangwa chekuedza kupedza mhirizhonga yezvematongerwo enyika panguva iyo nyika yatarisana nesarudzo dzingangoitwa gore rino, vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa vari kutarisirwa kusaina mukupera kwemwedzi waKukadzi gwaro rekuzvibata kwevanhu rinotarisirwa kunge richiteverwa nenhengo dzavo mukurwisana nemhirizhonga, kana kuti code of conduct.

    Gwaro iri  rakanyorwa nebazi rezvekupodzwa kwemaronda pamwe nekuregererana vachishanda pamwe chete nevanyori vakuru vemapato ose ari matatu anoti Zanu PF, MDC T neMDC duku.

    Gurukota rezvekupodzwa kwemaronda, Amai Sekai Holland veMDC T, vanoti gwaro iri harisi kuzosungisa mapato kana vanhu vanenge vaita zvemhirizhonga, asi kuti riri kukurudzira kuti vanhu vadzokere pachinyakare chavo chekugara pasi votaurirana kana vakanganisirana, kwete kusungisana.

    Amai Holland vanoti gwaro ravo rakaumbwa kuburikidza nekuwirirana kwemapato matatu ari muhurumende, saka havazooni paine dambudziko rekuti pangazoita rimwe bato risingazoritevera.

    Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, ine gwaro rayowo rinosungira kuti mapato asaite zvemhirizhonga uye ani nani anenge awanikwa achiita zvemhirizhonga, anosungwa pachiteverwa kutemo.

    Asi vakawanda vanoti havaoni mapato ose  achizvitevera sezvo asiri ose ari kushoropodza mhirizhonga.

    Hurukuro naAmai Sekai Holland
    Hurukuro naMai Sekai Hollandi
    || 0:00:00
    ...    
     
    X

    You May Like

    Vhidhiyo Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe

    Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Kukadzi, 12, 2016

    Ini ndini Marvellous Mhlanga Nyahuye ndichiti heinoi misoro yenhau dzanhasi…Chishanu, Kukadzi, 12, 2016 Onai zvimwe

    Vanamuzvinabhizimisi vemuNyika Voenda kuNetherlands Kunokurudzira Kutengeserana

    Vanamuzvinabhizinesi vechidzimai makumi maviri vemuZimbabwe varikutarisirwa kusimuka munyika nemugovera vakananga ku netherlands uko vachaita misangano yekutsvaga kudyidzana nemakambani ari munyika iyi. Onai zvimwe

    Vanhu Vakawanda Voenda kuMisangano yaVaTsvangirai kuMasvingo

    VaTamborinyoka vanoti bato ravo ririkushora zvikuru mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nekuda kuita mabiko ebhavhudhe ravo munhu iri vanhu vakatarisana nenzara. Onai zvimwe
    Live Talk

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
    English

    English

    Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe.
    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

    • Live Talk
      30 min

      Live Talk

      Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

    • Nhau dzeShona
      30 min

      Nhau dzeShona

      Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

    Facebook