Tuesday, December 23, 2014 Local time: 02:49

Nhau / Africa

VaTongogara Vanorangarirwa Dzimwe Hama neVamwe Vana Vasipo

Josiah TongogaraJosiah Tongogara
x
Josiah Tongogara
Josiah Tongogara
Jonga Kandemiiri
Vamwe vemhuri yeraive gamba rehondo yerusununguko uye vari mukuru weZanla, VaJosiah Magama Tongogara, vaungana muHarare vachirangarira zuva rekufa kwaVaTongogara, avo vakashaya mutsaona yemotokari kuMozambique musi wa26 Zvita mugore ra1979.

Asi vamwe vemhuri vanonzi havana kupinda muhurongwa uhwu sezvo vakuru vemhuri vanzi havana kunge vaziviswa kana kukokwa kuchiitiko ichi.

Hurongwa uhwu hwatungamirwa naBishop Chad Gandiya veAnglican veChurch of the Province of Central Africa, avo vatenda kuStudio 7 kuti vatungamira hurongwa uhwu.

Zvinonzi vaungana ava vazoenda kumarinda emagamba, Heroes Acre, uko kwaiswa maruva paguva raVaTongogara vachitungamirwa nemudzimai wavo, Amai Angeline Tongogara, pamwe negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vakuru mubato reZanu PF nemuchiuto.

Mumwe mwanasikana waVaTongogara, Muzvare Sukai Tongogara, avo vasina kupinda muhurongwa uhwu vaudza Studio7 kuti vaona zvisina kukodzera kuti ivo vaende kuhurongwa uhwu, asi vakuru vemhuri vasina kuziviswa nezvazvo.

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai harina kupindawo muchiitiko ichi richiti kana rakakokwa harina kuona tsamba yacho.

Mwedzi wapera pakambove nemutauro mushure mekunge MDC T, ichishanda pamwe nemunin’ina wemushakabvu, VaJoshua Tongogara, vanowe sachigaro webato iri mudunhu reShurugwi, vaedza kurangarira gamba rechimurenga iri paGamwa Primary School kushurugwi.

Asi zvinonzi mudzimai waVaTongogara akaramba kuti izvi zviitwe, izvo zvakazomanikidza MDC T kusendeka hurongwa hwayo uhwu.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano mubato iri, VaNelson Chamisa, vanoti vanotambira nemufaro zvaitwa izvi, kunyange hazvo bato ravo rakatanga nepfungwa iyi.

Zvichakadaro, mutungamiri wenyika, Varobert Mugabe, vanonzi vati zvirongwa zvekupa ivhu nehupfumi kuvatema zviri kuzadzisa zvakafirwa nevakawanda vanosanganisira VaTongogara.

Izvi zvabuda mumashoko avo averengwa pakuparurwa kwechirongwa cheJosiah Magama Tongogara Legacy Foundation, izvo zvanangana nemakore makumi matatu nemaviri gamba renyika rashaya.

Hurukuro naMuzvare Sukai Tongogara
Hurukuro naMuzvare Sukai Tongogarai
|| 0:00:00
...    
🔇
X

Hurukuro naVaNelson Chamisa
Hurukuro naVaNelson Chamisai
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

VaChasi Vakadzingwa Basa naVaMugabe Vanoti Vacharamba Vari Nhengo yeZanu-PF

Vaimbova mutewedzeri wegurukota rezvemitemo, VaFortune Chasi, avo vakadzingwa basa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti vacharamba vari nhengo yeZanu-PF uye vanotambira havo kumiswa basa. Onai zvimwe

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reKubatana kweZanu PF nePF Zapu

Zimbabwe neMuvhuro yakacherechedza makore makumi maviri nemanomwe echibvumirano chokubatana chakanyoreanwa pakati peZanu PF nePF Zapu musi wa 22 Zvita mugore ra 1987. Onai zvimwe

Musikana Akashungurudzwa neMahwindi Okurudzirwa Kumhan'ara kuMapurisa

Mapurisa arikukuridzira musikana akashungurudzwa navana hwindi kurank yemuna fourth streets svondo rapera kuti auye kukamba yavo kuti awane rubatsiro Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday

Facebook