Accessibility links

Breaking News

Dutumupengo Rinoparadza Misha kuMukumbura


MAP OF ZIMBABWE
MAP OF ZIMBABWE
Dutumupengo rinotyisa riine chivhuramabwe rinonzi rakaparadza misha yakawanda zvikuru uye rikasiya mhuri dzinodarika zana dzisisina pekugara kuMukumbura, kuMount Darwin North mambakwedza emusi weSvondo.

Vanhu vanosvika gumi nevapfumbamwe vanonzi vakakuvara muchiitiko ichi, uye vakaendeswa kuchipatara cheMount Darwin nemumiriri wedunhu iri, VaDickson Mafios.

Zvinonzi chikoro cheZambara Primary chinonzi chakaparadzwawo nedutumupengo, iro rinonzi nevagari vemudunhu iri rakangoitika kwenguva dikidiki asi riine simba rinotyisa.

VaMafios vati ichokwadi kuti misha yakawanda pamwe nezvikoro zvakaparadzwa, uye vanhu vari vakawanda pamhene.

Vebazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department, vatenda kuti vakanzwa nezvedutumupengo iri uye vati vatotumira chikwata chavo kunoona mamiriro akaita zvinhu kuMashonaland Central.

Mumwe mugari wekuMukumbura, VaHamaruoko Chatyoka, vanoti vagari vazhinji vakarasikirwa nemidziyo pamwe nechikafu, uye rubatsiro harwusati rwasvika kwavari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG