Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vabereki Votadza Kuunganidza Mari dzeChikoro


Zvimwe zvikoro zvinonzi zviri kudzinga vana vasina kubhadhara mari dzechikoro
Zvimwe zvikoro zvinonzi zviri kudzinga vana vasina kubhadhara mari dzechikoro
Zvikoro zvemunyika zviri kuvhurwa neChipiri vabereki vakawanda vachichema nerekuti zvinhu zvakavaomera zvekuti vamwe vatotadza kuti vana vavo vadzokere kuzvikoro zvavanodzidza nekuda kwekushaikwa kwemari dzechikoro.

Mumwe mubereki ane mwana ari kuita zvidzidzo zvefomu yetatu kune chimwe chikoro cheboarding, VaTichaona Muchere, vanoti vatadza kuendesa mwana kuchikoro sezvo vasina kukwanisa kuunganidza mari inoita madhora mazana mana nemakumi matatu ane madhora mashanu, iyo iri kudiwa kuchikoro uku.

Pamari iyi, madhora mazana mana nemashanu ndiyo yechikoro, madhora makumi matatu iri yekubatsirikana kwevarairidzi.

VaMuchere vanoti chanyanya kuwedzera dambudziko ravo ndechekuti kubasa kwavo havasi kupihwawo mari dzemihoro paine nguva.

Kunyange hazvo hurumende yakarambidza kuti vabereki vabhadhare mari yekubatsirika iyi, vabereki vakawanda vanoti vachiri kungoibhadhara sezvo vachida kuti vana vavo vawane dzidzo yemhando yepamusoro.

Zvikoro zvepuraimari zveveruzhinji mumaguta zvinonzi zviri kuda mari iri kumadhora makumi mashanu, kuchitiwo zvesekondari zvichida kumadhora zana, pasina dzimwe dzakaita sedzeruvako nezvimwe.

Bazi rezvedzidzo rinoti hapana chikoro chinofanirwa kudzinga mwana anenge asina kubhadhara mari, asi kuti panofanirwa kutsvagwa nzira dzekuti vabereki vabhadhare mari idzi mwana achidzidza.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, riri kukurudzirawo vakuru vezvikoro kuti vasadzinga vana vasina kubhadharirwa mari dzechikoro, richiti zviri kunze kwebumbiro remitemo.

Gwaro raburitswa nesangano iri rinoti zvikoro zvakawanda zviri kuramba zvichityora bumbiro remitemo idzva nekudzinga vana vasina kubhadhara mari dzechikoro, izvo zvave kuita kuti huwandu hwevana vari kusiya chikoro hukwire.

Gurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, vakakurudzirawo vezvikoro kuti vaendese vabereki vanenge vachinetsa kubhadhara zvikwereti zvemari dzechikoro kumadzishe kana kumatare maduku kuti vayananiswe.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG