Sunday, September 21, 2014 Local time: 02:00

Nhau / Africa

Hurumende Inowedzera Vashandi Vayo Mihoro

x
Jonga Kandemiiri
Hurumende inonzi yazobudirira kuzadzisa chivimbiso chayo chekuwedzera vashandi vayo mari dzinofambirana nekukwira kwemitengo yezvinhu, kana kuti inflation-related increment.

Kunyange hazvo vashandi vakawedzerwa mari idzi kutanga kwaNdira, vazhinji vavo vatanga kuwana mari idzi mwedzi uno, dzichibhadharwa kubva muna Ndira.

Mauto, mapurisa nemaghadhijeri, avo vanotangira vamwe vashandi vehurumende kutambira, vanonzi havana kuwana mari idzi mwedzi uno.

Hurumende yakanga yavimbisa kuwedzera vashandi vayo ne 5.3% kubva muna Ndira. Asi kunonoka kwemari iyi kwakanga kokonzera kusagadzikana muvashandi.

Rimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti ichi chiratidzo chekuti hurumende haina han’ya nevashandi vayo, sezvo mari iyi isina zvainoreva.

Maonero ePTUZ aya anotsinhirwawo nasachigaro weApex Council, VaDavid Dzatsunga, avo vanotiwo havaoni hurumende ichizovawedzerazve imwe mari gore rino nekuda kwereferendamu pamwe nesarudzo izvo zviri kutarisirwa gore rino.

Asi rimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Association, Zimta, rinotiwo rinotambira zvaitwa nehurumende sezvo yavapa pekutangira, zvichitariswa kuti vashandi havana chikwata chinovamirira munhaurirano.

Hurukuro navaDavid Dzatsunga
Hurukuro navaDavid Dzatsungai
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

MDC-T Inoti Zvigaro Zvose Zvichakwikwidzwa

Komiti ye MDCT yepamusoro-soro yabuda nechisungo chekuti munhu wese achavhoterwa pakongiresi kwete kuti mutungamiri webato iri adome vanhu vanopinda mukomiti ye National Standing Committee sezvanga zvichidiwa nevamwe mubato iri. Onai zvimwe

Ambassador Wharton Vanoshanyira Zvivakwa zveNaletale kuShangani

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBruce Wharton, vanoti nyika yavo inoramba ichitarisa mamiriro ezvematongerwo enyika muZimbabwe senzira yekuona kuti ingagadzirisa here kana kuti kwete hukama hwayo neZimbabwe Onai zvimwe

Dare reEU Rinoti Zvirango Zvakatemerwa Vakuru veZanu-PF Zviri paMutemo

Dare reEuropean Court of Justice neChina rapa mutongo wekuti zvirango zvakatemerwa vaiva mutevedzeri wegurukota rezvehupfumi uye vari muzvinabhizimisi, VaAguy Georgias, muna 2007, zvainge zviri pamutemo. Onai zvimwe
Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook