Wednesday, September 17, 2014 Local time: 23:37

Nhau / Africa

Kunetsana kweMasangano eVashandi veHurumende Kovhiringa Nhaurirano dzeMihoro?

x
Jonga Kandemiiri
Matambudziko evashandi vehurumende anenge acharamba achinetsa zvichitevera danho rinonzi rakatorwa nehurumende rekuramba kutambira chikwata chakanga chasarudzwa nevamwe muApex Council kuti chimirire vashandi munhaurirano dzemihoro.

Svondo rapera Apex Council yakashevedzera musangano wekugadzirisa kusawirirana kuri mumasangano evashandi vehurumende, asi sangano rePublic Service Association, PSA, rakaramba kupinda mumusangano uyu.

Izvi zvakazopa kuti Apex Council ibude nemazita evanhu vapfumbamwe vachibva mumasangano ose evashandi vehurumende, kusanganisira rePSA, ayakazotumira kuhurumende.

Asi PSA inonzi yakabva yanyorawo tsamba kugurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, ichivazivisa kuti yakanga isineyi nechekuita nechikwata cheApex Council ichi, izvo zvinonzi zvakazopa kuti Amai Matibenga varambe kutambira mazita aya.

Hatina kukwanisa kubata Amai Matibenga kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi sachigaro weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti vakazvipira kutsvaga nzira dzinogona kugadzirisa matambudziko akatarisana nevashandi aya, kuitira kuti vakwanise kuwedzerwa mari dzemihoro.

Mutungamiri wePSA, Amai Cecilia Alexander, vanoti vanotambira danho rakatorwa nehurumende panyaya iyi sezvo vakanga vasina kugarwa navo pasi. Vanotiwo vakazvipira kugadzirisa dambudziko ratadzisa kuti nhaurirano idzi dzimutsiridzwe.

Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti vanofunga kuti ivo pamwe nesangano ravo ndivo vasiri kudiwa munhaurirano idzi.

VaMajongwe vanoti nechido chekuti vashandi vehurumende vasarambe vachitambura, sangano ravo rakazvipira kubuda muchikwata chiri munhaurirano dzemihoro ichi kana izvi zvichiyamura vashandi muhondo yavo yemihoro

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
Hurukuro navaDavid Dzatsungai
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
Hurukuro naMai Cecilia Alexanderi
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
Hurukuro naVaRaymond Majongwei
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

You May Like

Mauto eZimbabwe neNamibia Okwenenzvera Hunyanzvi Hwavo

Mauto emuchadenga eZimbabwe neNamibia neChitatu ange achidzidzira nekukwenenzvera kuita mushandira pamwe mukurwisa nemuchadenga kuNyanga. Onai zvimwe

MDC Renewal Team Inodoma Amai Holland seMutungamiri

MDC Renewal Team yakadoma Amai Sekai Holland kuti vamboitungamira kwemwedzi mitanhatu kusvika muna Kurume wegore rinouya apo MDC Renewal Team ichaita kongiresi yayo. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Zimbabwe Yotungamira SADC Kudzivirira Ebola

Nyika dzemuAfrica nemasangano anopa rubatsiro anoti nyika dzakabudirira dzinofanira kuwedzera rubatsiro kunyika dzekumawirira kwe Africa dzawirwa nedambudziko nechirwere che Ebola. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook