Wednesday, October 22, 2014 Local time: 06:22

Nhau / Africa

Masangano eVashandi veHurumende Anotadza Zvakare Kuwirirana

x
Jonga Kandemiiri
Musangano wekuedza kupedza kusawirirana kuri pakati pemasangano evashandi vehurumende wanga uchiitirwa muHarare unonzi hauna kuzozadzisa tarisiro iyi, sezvo sangano rePublic Service Association, PSA, risina kupinda mumusangano uyu sezvanga zvakatarisirwa.

Musangano uyu wanga washewedzerwa nemubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, weApex Council.

Sachigaro weApex Council, uye vachitungamira sangano reCollege Lecturers Association, VaDavid Dzatsunga, vanoti vakatyamadzwa nekusauya kumusangano kwaitwa nePSA sezvo yakaziviswa zviri pamutemo nezvemusangano uyu mukupera kwesvondo, uye ikazivisa kuti yaizopinda mumusangano uyu.

VaDzatsunga vanoti ivo nevamwe vavo vazosunga kuti vashare vanhu vachabatana nevakanga vasharwawo nePSA kuti vange vari munharirano dzemihoro, vovabatanidza kuitira kuti vaumbe chikwata chichanosangana negurukota rezvevashandi, Amai Lucia Matibenga, senzira yekufambisa zvinhu.

Ukuwo mutungamiri wePSA, Amai Cecilia Alexander, vanoti sangano ravo harina kuzopinda mumusangano uyu sezvo raona kuti rakanga risina kukokwa nenzira iri pamutemo, uye ine chiremera.

Amai Alexander vanotiwo vazotambira tsamba yanyorwa naVaDzatsunga avo vakasarudzwa nemamwe masanango kuve sachigaro weApex Council pamusangano usina zvakare kupindwa nePSA.

Amai Alexander vanoti musangano uyu waifanirwa kunge wakokerwa nemuyananisi asina kwaakarerekera, kana kuti komiti yaitungamirwa naAmaai Tendai Chikowore, iyo yakapedza temu yayo yekutungamira Apex Council, kwete naVaDzatsunga.

Vashandi vehurumende vakatadza kuita hurukuro dzemihoro naAmai Matibenga sezvo vari kuti vashandi vatange vagadzirisana pamakakatanwa ehutungamiri hweApex Council vasati vagara navo pasi.

Svondo rapera vamwe vatungamiri vemasangano evashandi vehurumende vakasangana naAmai Matibenga kuti vanzwe pamire hurumende panyaya dzemihoro yavo, pamwe nemashandiro avo.

Pamusangano uyu ndipo pakasungwa nenhengo dzeApex Council kuti dzikoke PSA kumusangano wekuedza kugadzirisa makakatanwa aripo aya.

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
Hurukuro navaDavid Dzatsungai
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
Hurukuro naMai Cecilia Alexanderi
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

You May Like

VaDzamara Vanoratidzira muAfrica Unity Square

Mupepeti webepanhau re The News Leader, Va Itai Dzamara, nevamwe vari kuvatsigira vatanga neChipiri kugara pa Africa Unity Square mu Harare vakamirira mhinduro kubva kumutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vavari kuda kuti vasiye basa. Onai zvimwe

Vana Chiremba Voramwa Mabasa Kutanga neMuvhuro

Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti kutanga neMuvhuro vana chiremba muzvipatara zvose zvehurumende vachatanga kuramwa mabasa sezvo nhaurirano nehurumende panyaya yemari yemihoro nemashandiro avo dzakundikana zvachose. Onai zvimwe

Vari Kuda Zvigaro muMDC T Vobvumidzwa Kutsvaga Rutsigiro

Bato reMDC T rinoti ravhururira mukana vari kuda kukwikwidza musarudzo dzichaitwa pakongiresi yebato iyi mukupera kwemwedzi uno, kuti vachitanga kutsvaga rutsigiro Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook