Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votarisirwa Kutora Chigaro chaSachigaro weSADC


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutora husachigaro hwesangano reSADC kwegore rimwe chete.

Kutora chigaro kweZimbabwe kunouyawo nebasa rakawanda rakaita sekukokera misangano ine chekuita nesangano iri.

Asi vamwe vanoona kutora chigaro kweZimbabwe sekuchakanganisa nyaya dzekunzwikwa kwezvinyunyuto zvavo nesangano iri.

Bato reMDC T pamwe nemamwe masangano akazvimirira vanga vachida kuti nyaya yeZimbabwe izeyiwewo pamusangano uyu.

Asi SADC inonzi yakatozivisa kare kuti nyaya yeZimbabwe haisi pahurongwa.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti danho rekuti Zimbabwe itungamire SADC richatoita kuti zvinhu zvinyanye kuoma, kwete muZimbabwe chete, asi kuti kuchamhembe kwe Africa kwese, sezvo Zimbabwe isina nhoroondo yakanaka.

VaMwonzora vanoti sezvo Zimbabwe isingagone kuita sarudzo dzakachena, hazviite kuti iyo izotarisirwa kuongororora sarudzo dzichaitwa mune dzimwe nyika.

Asi sachigaro weZanu PF kudunhu reUK, VaNick Mangwana, varamba maonero aVaMwonzora aya vachiti VaMwonzora nebato ravo vanofanirwa kusiyana netsika yekutarisa zvinhu zvose neziso rekupikisa.

VaMangwana vanoti havaoni VaMugabe vachitadza kutungamira sangano reSADC sezvo vagara vachipinda mumisangano yaro.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora pamwe naVaNick Zemura
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG