WASHINGTON DC —
Sangano renhau reMedia Institute of Southern Africa, MISA-Zimbabwe Chapter rinoti nemusi weChina riri kuparura ongororo yarakaita mumaruwa ari kure nemadhorobha richida kuona kuti vanhu venzvimbo idzi vanowana sei nhau, uye vanogutsikana here nemaburitsirwo adzinoitwa pamwe nezvavanoda kuti zviitwe mukuita kuti matunhu aya awane nhau idzi.
Mukuru anoona nezvezvirongwa musangano iri, VaNyasha Nyakunu, vanoti sangano ravo rakaita ongororo mumatunhu anosanganisira Matabeleland North, Matabeleland South, Manicaland, Mashonaland East neMashonaland Central richida kuona kuti vagari vanowana sei nhau mumatunhu avo, dzingave dzemapepanhau kana nhepfenyuro.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, ndivo vanotarisirwa kutaura semunyarikani.
MISA-Zimbabwe inotiwo inotambira kuumbwa kweboka re Information and Media Panel of Inquiry (IMPI), iro richange richitarisa zvimhingamipinyi zvakasiyana-siyana zvinokanganisa mafambisirwo enhau pamwe nekutsvaga nzira dzekuzvigadzirisa.
Asi sangano reMISA-Zimbabwe iri rinoti riri kushushikana nekunyarara kweboka reIMPI iri sezvo pasina anoziva zvariri kuita mwedzi mitatu raumbwa.