Accessibility links

Breaking News

Komiti Inoongorora Maburitsirwo eMashoko neNhau Inotanga Basa


VaGeoff Nyarota
VaGeoff Nyarota
Komiti inoongorora pamwe nekunzwa mashandiro ebandiko renhau munyika, yeInformation and Media Panel of Inquiry, IMPI, yatanga basa ichiita misangano nevanhuwo zvavo, pamwe nekuita hurukuro nevemapoka ezvenhau munyika kuti vanzwisise matambudziko pamwe nemashandiro ari kuita bandiko renhau munyika.

Sachigaro wekomiti iyi, iyo ine nhengo makumi maviri neshanu, nyanzvi mune zvenhau, VaGeoff Nyarota, vanoti vatanga nemisangano mumatunhu eMarondera neRusape, uye vari kutarisirwa kupinda maMutare neChipiri, vasati vaenda kuChimanimani neMasvingo vasati vapinda mune mamwe matunhu.

Zvinonzi pane makomiti madiki (thematic committees) manomwe, ayo achange achibata nyaya dzinosanganisira zvenhau, kuwaniswa kwemikana pamwe nezviri kuburitswa munhau, kudzidziswa kwemabasa ezvenhau, mitemo inobata zvenhau, pamwe nenyaya dzakasiyana siyana.

Komiti yeIMPI iyi yakaumbwa muna Zvita gore rapera negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo.

Vamwe vari mukomiti iyi vano sanganisira mutevedzeri wasachigaro, Mai Thembelani Khumalo, mupepeti mukuru weZimpapers, VaPikirai Deketeke, mumwe wevakuru kuZBC, VaChris Chivhinge, munyori mukuru weZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, VaNhamo Mhiripiri, pamwe nemuimbi Plaxedes Wenyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reMISA-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti sangano ravo rinotambira danho ratorwa ne IMPI, kunyange hazvo komiti iyi yakatora nguva yakareba isati yaita basa kubva payakaumbwa.

VaMoyo vanoti komiti iyi inofanirwawo kupa nzeve kune vose vari kupinda mumisangano yayo kuitira kupa mukana kune vanhu vose.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG