Accessibility links

Breaking News

MDC T Yozeya Kongiresi Ichaitwa Muna Gumiguru


Mutauriri weMDC T VaDouglas Mwonzora
Mutauriri weMDC T VaDouglas Mwonzora

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC-T, rapeta musangano waro wemazuva matatu kuKadoma, wekuronga nezvemusangano waro wekongiresi ichaitwa muna Gumiguru gore rino.

Musangano uyu wazeyawo hurongwa hwemhemberero dzekusvitsa makore gumi neshanu bato iri raumbwa dzichaitwa muna Gunyana.

Musangano uyu wazeyawo nyaya dzakawanda dzinosanganisira nyaya yesarudzo dzichaitwa munyika muna 2018.

Musangano uyu, uyo wanga uchipindwa nenhengo dze standing committee pamwe nedze national executive yebato iri, unonzi wazeyawo mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeupfumi uye kuti hungamutsiridzwa sei, pamwe nekuwaniswa kwemabasa.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti nekuda kwekuti zvinhu zviri kuramba zvichiwondomoka munyika, vane hurongwa hwekuti paumbwe nzira dzinotambirwa nevanhu vose dzekugadzirisa matambudziko akatarisana neZimbabwe.

VaMwonzora vatiwo vakuru vebato ravo vazeyawo nyaya yekunonoka kuri kuita hurumende yeZanu PF kubatanidza mitemo yenyika kuitira kuti ifambidzane nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Panyaya yekuvandudzwa kwebumbiro rebato ravo, VaMwonzora vanoti musangano uyu wanzwa zvakawanikwa nekomiti yaitungamirwa nemutevedzeri wasachigaro webato, VaMorgen Komichi, iyo yainzwa pfungwa dzenhengo dzebato mumatunhu ose.

Vanoti zvakawanikwa izvi zvichaziviswa kutanga kwemwedzi unouya kana kuti pakati pawo kana zvapera kukwenenzverwa.

Pane mashoko ekuti kune vamwe mubato iri vari kuda kuti masimba emunyori mukuru webato, adzikiswe kuitira kuti mutungamiri webato ave nemasimba ane mutsindo.

Asi vamwe vanonzi vari kuramba matanho aya.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG