WASHINGTON DC —
Bato reMDC T rinoti nemusi weChina riri kuumba komiti ichatonga vakambomiswa basa semutewedzeri wemubati wehomwe VaElton Mangoma, avo vari kupomerwa mhosva dzinosanganisira yekuzvidza mutungamiri webato VaMorgan Tsvangirai, nekusafambisa mari dzebato zvakanaka.
Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora vanoti national executive council yebato ravo pamwe nenational council zvichagara kuti zvibude nemazita evanhu vachaumba komiti iyi.
Izvi zvinouya mushure mekunge magweta ari kumirira VaMangoma vakasvitsa neChipiri magwaro avo kudare repamusoro vachida kuti rimise MDC T danho rariri kuda kutora, rekumisa VaMangoma pamberi pekomiti inoranga nhengo dzinenge dzatsautsira iyi.
Vari kudomwa mumapepa akakwidzwa kudare aya vanoti mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai, munyori mukuru VaTendai Biti, sachigaro webato VaLovemore Moyo pamwe nebato reMDC T, uye vapiwa mazuva gumi ekupikisa nyaya.
VaMwonzora vanotiwo VaMangoma vazvidzinga mubato kuburikidza nedanho ravatora rekukwira kumatare edzimhosva.
Vanotiwo bato ravo richakwikwidza danho ratorwa naVaMangoma iri.
Asi gweta raVaMangoma, uye vari nhengo yebato reMDC T, VaJacob Mafume, vanoti vatora danho rekuenda kumatare iri mushure mekunge vaona kuti MDC T yakatyora bumbiro remutemo webato nekumbomisa kwaro VaMangoma basa.
VaMafume vanoti kumbomiswa kwaVaMangoma mubato uku kwakaitwa pachityorwa Article 12 yebumbiro remutemo webato ravo.