Accessibility links

Breaking News

Kutyorwa kweKodzero dzeVashandi neVashandirwi Korwadza ZCTU


ZCTU
ZCTU

Sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kushushikana zvikuru netsika yave kuitwa nevemakambani mashoma asara achiri kushanda, yekushandura vashandi vavo kubva mukuve vashandi vakabairwa zvitupa vachivaita vashandi vezvibvumirano zvipfupi.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vashandirwi vari kutyora kodzero dzevashandi nekuvaita matembarari, izvo zvinozoita kuti vakwanise kuvamisa mabasa chero pavanenge vadira.

Rimwe sangano revashandi vezvechikafu, reFederation of Food and Allied Workers Union of Zimbabwe, riri kunyunyutawo netsika iyi richiti yakanyanya mumakambani anogadzira kana kubika zvekudya.

VaMoyo vanoti vashandirwi vari kuita izvi senzira yekutiza kupa vashandi rubatsiro rwakaita sekurapwa, mapenjeni nezvimwe zvakadaro.

Asi vanotiwo vanotarisira kuti dambudziko iri richakasika kugadziriswa nekuti vakatoisa nyaya yacho kumusangano weTripartite Negotiating Forum kuti igadziriswe.

Vemakambani vanonzi vari kushandisa kuoma kwaita zvinhu munyika mukumanikidzira kuti vabvumidzwe kutyora mutemo wezvemabasa unorambidza tsika iyi.

Studio7 haina kukwanisa kubata vedivi revashandirwi panyaya iyi.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG