Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosecha Mahofisi eNational Youth Development Trust


Mapurisa ekuLaw and Order, achitungamirwa nevanzi Detective Inspector Boora, uye vaine gwaro rinovabvumidza kusecha, kana kuti search warrant, vanonzi vabvongodza mahofisi esangano revechidiki reNational Youth Development Trust kuBulawayo.

Mapurisa aya anonzi anga achiti ari kutsvaga vanoona nezvezvirongwa musangano iri, VaAlfred Ncube, uye vane mvumo yekusecha kubasa kwavo pamwe nekumba kwavo.

Gweta riri kumirira sangano iri, uye richishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaLison Ncube, vati mapurisa aya ari kupomerawo sangano iri mhosva yekuchengeta magwaro anonzi nehurumende anogona kukonzera kusagadzikana munyika uye kunyoresa vanhu kuti vazokwanisa kuvhota zviri kunze kwemutemo.

VaNcube vati kunyange hazvo mapurisa asecha mahofisi aya, hapana zvavawana zvingaroverere sangano iri nemhosva. Vatiwo mapurisa aya azotakurawo mamwe magwaro ane mazita evanhu vakambopinda mumwe musangano wakaitwa nesangano iri.

NeMuvhuro mapurisa ekuLupane akasungawo nhengo makumi mana dzesangano iri achivapomera mhosva yekunyoresa vanhu kuvhota zvisiri pamutemo. Asi makumi matatu nevasere vevanhu ava vakazoregwa vasina mhosva yavakapomerwa.

Vaviri vavo vanonzi vazopinda mudare kwakare kuLupane asi muchuchisi anonzi azoti nyaya iyi imbosendekwa sezvo hurumende isina humbowo hwakakwana.

Mukuru weNational Youth Development Trust, VaLiberty Bhebhe, vanoti zviri kuitwa nemapurisa izvi kuda kushungurudza vemasangano akazvimirira pamberi pesarudzo, idzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.

Vati sangano ravo harina masimba ekudhinda zvinonzi nemapurisa vanazvo izvi, asi kuti mhosva yavo ndeyekuti chete vari kukurudzira vechidiki kuti vanonyoresa kuti vazovhota.

Muna Zvita wegore rapera, mapurisa akasecha pamwe nekusunga vashandi verimwe sangano rakazvimirira reZimRights vachivapomera mhosva yakafanana naiyoyi. Vashandi vana veZimRights kusanganisira mukuru wesangano iri, VaOkay Machisa, vachiri kutongwa nemhosva iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG