China, Chivabvu 28, 2015 Local time: 05:44

Nhau / Matongerwo eNyika

NANGO Yoronga Kusangana naVaChihuri

Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri.Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri.
x
Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri.
Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri.
Jonga Kandemiiri
Sangano remubatanidzwa wemasangano akazvimirira, reNANGO, rinoti rine hurongwa hwekugara pasi nemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, kuitira kuti vakurukure kwarinoti kushungurudzwa kwenhengo dzaro nemapurisa.

Mukuru weNANGO, VaCephas Zinhumwe, vati neChina vakaedza kusangana naVaChihuri kuti vasvitse nhunha dzavo, asi VaChihuri vakati vakanga vakabatikana.

Danho riri kutorwa neNANGO rinotevera kusungwa kwenhengo dzeCounselling Services Unit nhatu nemusi weMuvhuro muHarare dzichipomerwa mhosva yekuchengeta zvinhu zvisingabvumidzwi uye kunyora nyora midhuri muguta reBulawayo.

Nhengo nhatu idzi, idzo dziri kuramba mhosva yadziri kupomerwa, dzakazobvisiswa mari yechibatiso neChina kuti dzikwanise kutongwa dzichibva kudzimba.

Masangano ekodzero dzevanhu akawanda, kusanganisira reHuman Rights Watch, ari kushoropodza maitiro emapurisa aya.

Mugwaro raburitswa nesangano iri, Human Rights Watch yati kusungwa kwenhengo dzesangano iri kunosimudza kutya kwezvingangoitika mberi apo nyika yatarisana nesarudzo.

Muzinda weAmerica muHarare neChina wakashoropodzawo kupinda kwemapurisa mumahofisi esangano reCounselling Services Unit nemusi weMuvhuro.

Muzinda uyu unoti sangano iri rakanyoreswa zviri pamutemo richibatsira vanenge vashungurudzwa, zvisineyi nekuti ndeve bato ripi.

Hurukuro naVaCephas Zinhumwe
Hurukuro naVaCephas Zinhumwei
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

ConCourt Inoti Mapurisa Ngaasasunge Madzimai Anofungidzirwa Kuti Ipfambi Pasina Humbowo

Nguva yemapurisa yekuita madiro ajojina vachisunga madzimai mumigwagwa vanenge vachipomerwa mhosva yekuita zvehupfambi yasvika kwamvura yacheka makumba. Onai zvimwe

Vagari Vobatsirana neKanzuru yeHarare Kuita Mabasa Anobatsira Veruzhinji

Kunyange masangano anomirira vagari vemuguta reHarare achigara achinetsana nekanuzuru sezvo iri kutadza kuita mabasa ayo, vagari vemumusha weSunningadale vanoti vakaona kuti kugara vachichema chema hazvibatsiri. Onai zvimwe

Vane Magwaro eKugara muSouth Africa Voshungurudzwa neMapurisa

Matambudziko anonzi ari kutarisana nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa ekurwiswa pamwe nekusungwa nemapurisa zvichinzi zviri munyika iyi zvisiri pamutemo, anonzi ari kubatawo kana zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro anozvibvumidza kugara pamwe nekushanda munyika iyi Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa- May 27, 2015

Libyan Prime Minister Abdullah al-Thani escapes assassination attempt by unknown assailants Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

Facebook