Saturday, October 25, 2014 Local time: 14:30

Nhau / Matongerwo eNyika

Mapurisa Anosunga Nhengo dzeCounselling Services Unit Nhatu

x
Jonga Kandemiiri
Matikitivha anodarika gumi anga akapakata gwaro rekuvabvumidza kusecha anonzi apinda masikati  mumahofisi esangano rinobatsira vakashungurudzwa, reCounselling Services Unit muHarare.

Mapurisa aya anonzi ati ari kutsvaga zvinhu zvaanoti zvakashandiswa mukupenda mudhuri wechimwe chivakwa chekuBulawayo chakapiwa kuguta iri nenhengo yeZanu PF, VaSikhanyiso Ndlovu.

Magweta ari kumirira sangano iri, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ati mapurisa aya, ayo anga achitungamirwa naDetective Assistant Inspector Henry Dowa, azotora midziyo yesangano iri inosanganisira makombiyuta nezvimwe.

Vashandi vesangano iri vashanu vanoti mukuru wesangano iri, VaFidelis Mudimu, VaZachariah Godi, VaTafadzwa Gesa, VaPenn Bruno pamwe naVaJames Zidzimu pamwe nemumwe mutori wenhau anoshandira bepanhau reDaily News, Watson Ofumeli, vambotorwawo nemapurisa aya.

Asi vatatu vanoti VaBruno, VaZidzimu pamwe naOfumeli vanonzi vazoregwa vasina mhosva yavapomerwa.

Rimwe remagweta ari kumirira vashandi ava, VaKennedy Masiye, vaudza Studio 7 kuti mapurisa ati vachamirira kunzwa kubva kuBulawayo kwakaparirwa mhosva iyi vasati vatorera matanho vamwe vatatu vasara vari mumaoko emapurisa. Vatatu ava vari  pakamba yemapurisa yeHarare Central Police Station uko vacharara.

Muna Nyamavhuvhu mapurisa akapakata zvombo akapindawo nechisimba kaviri pamahofisi esangano rinorwira kodzero dzengochani reGays and Lesbians of Zimbabwe vachiti sangano iri rine magwaro anokurudzira kupararira kwehungochani.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti iyi inzira yekutyisidzira nayo masangano akazvimirira pamberi pesarudzo dzingangoitwa gore rinouya munaKurume.

Hurukuro naVaKennedy Masiye
Hurukuro naVaKennedy Masiyei
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

You May Like

Nziyo Dzovaraidza Vamwe Munguva yeNhamo muRedcliff

Vamwe vaimbi vechidiki vanogara mumusha weTorwood mudhorobha reRedcliff vave kuita mukurumbira nekuda kwekuimba nezvematambudziko akatarisana nevagari vemunzvimbo iyi nenyaya yekusashanda kwekambani yeNewZimsteel iyo yaimboziikanwa ichinzi Zisco. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Amai Mugabe Votsigira VaMnangagwa Vachishora Amai Mujuru

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vabuda pachena neChina kuti vari kutsigira chikwata chiri kutangamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa. Onai zvimwe

Crisis in Zimbabwe Coalition Yozeya Matambudziko Ayo

Sangano reCrisis in Zimbabawe Coalition raita musangano unonzi wanga wakakosha zvikuru wekuzeya matambudziko anonzi ari kukanganisa kufamba zvakanaka kwesangano iri Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3


  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook