Accessibility links

Breaking News

Heal Zimbabwe Trust Yokomedza Kuferefeta Kupondwa kweVanhu Muna 2008


Violence in Zimbabwe
Violence in Zimbabwe

Sangano rinorwira kuti munyika muve nekugadzikana, reHeal Zimbabwe Trust, rinoti riri kukurudzira matare edzimhosva pamwe nemapurisa kuti vaongorore zvizere nyaya dzese dzakaitika munguva yemhirizhonga mushure mesarudzo dzemuna 2008, iyo yakasiya vanhu vanodarika mazana mashanu vafa.

Sangano iri rinoti rinofara nekutongwa nekupiwa makore gumi nemashanu ekugara mujeri kwevechidiki vana veZanu PF vekuKadoma svondo rapera.

Vakatongerwa kugara mujeri ndiThabani Mashonganyika, Mangisi Mutandavari, Nobert Muzhinji pamwe naSikhumbuzo Madhuveko, avo vakawanikwa vaine mhosva yekuuraya nhengo yeMDC T VaJohn Max.

Sangano reHeal Zimbabwe Trust inoti danho iri rakaita kuti nyaya iyi ipere.

Rinotiwo kutongwa kwenyaya dzakadai chinhu chakakosha uye kunoita kuti vose vakapara mhosva dzemhirizhonga vatongwe zvichiendarana nemutemo wepasi rose.

Sangano iri rinotiwo komisheni yekupodza maronda yeNational Peace and Reconciliation Commission inofanirwawo kushanda zvizere kuitira kuti nyaya dzekushungurudzwa kwevanhu dzikasike kupedzwa.

Mukuru weHeal Zimbabwe Trust, VaRashid Mahiya, vanoti chiri kungonetsa ndechekuti mutemo unenge uchiri kutarisa kuti munhu abuda mumba maani pakubata kwauri kuita nyaya dzekukupondwa kwevanhu idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG