Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeGwanda Yotadza Kuwirirana neVashandi Vayo paNyaya dzeMihoro


ZCTU
ZCTU

Musangano pakati pevamiriri vevashandi vekanzuru yeGwanda nevamiriri vebazi rezvevashandi waitwa neMuvhuro unonzi hauna chimuko chawaburitsa sezvo mapoka maviri aya atadza kuwirirana.

Munyori mukuru wesangano remubatanidzwa wevashandi vemakanzuru emaguta nemadhorobha, reZimbabwe Urban Councils Workers’ Union, VaMoses Tshimukeni Mahlangu, vanoti kanzuru yazivisa pamusangano uyu kuti haikwanise kuwana mari yekubhadhara zvikwereti zvevashandi zvose sezvo isina mari.

Vanoti kanzuru yakumbirawo kuti ibvumidzwe kubhadhara mari idzi pashoma nepashoma, danho rinonzi zvarambwa nevashandi.

Mapoka maviri aya anotarisirwa kusangana zvakare svondo rinouya, vakakundikana kuwirirana zvakare nyaya yavo inenge yoendeswa mberi kumuyananisi.

Vashandi vekanzuru yeGwanda vakaramwa mabasa svondo rapera vachida mihoro yavo yavasina kupiwa kwemwedzi mishanu.

Asi gurukota rezvemabasa, VaNicholas Goche, vanonzi vakapindira vachiti vashandi vadzokere kumabasa nyaya yavo ichitarisiswa.

VaMahlangu vanotiwo ivo nemunyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vari kutarisirwawo kuita musangano svondo rinouya nevakuru vekanzuru yeChitungwiza kuti vazeye nezvekumiswa mabasa kwevashandi ikoko.

Vane ruzivo nezviri kuitika kuChitungwiza vanoti kanzuru ine hurongwa hwekumisa basa vashandi vanodarika mazana masere.

Kutaura kuno vashandi vanodarika mazana maviri vekanzuru yeChitungwiza vanonzi vakambomiswa basa mushure mekunge vapinda mukuramwa mabasa Chikunguru.

Asi hapana anoziva huwandu chaihwo hwevashandi vakambomiswa basa sezvo kanzuru isiri kutaura neStudio7 nezvenyaya iyi.

Hurukuro naVaMoses Tshimukeni Mahlangu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG