Accessibility links

Breaking News

WFP Inoti Dambudziko reChikafu Rava Nani Munyika


WFP inoti kunaya kwakaita mvura zvakanaka gore rino kunogona kubatsira mukuderedza nzara
WFP inoti kunaya kwakaita mvura zvakanaka gore rino kunogona kubatsira mukuderedza nzara

Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose, reWorld Food Programme (WFP) rinoti zvinhu zvagadzikana zviri nani munyaya dzechikafu munyika zvichienzaniswa negore rapera.

WFP inoti gore rino yakakwanisa kubatsira vanhu vakawanda nechikafu.

Mukuru wesangano iri muZimbabwe, VaSori Ouani, vanoti gore rapera zvinhu zvakanga zvakashata zvikuru sezvo vanhu vanodarika mamiriyoni maviri vaida rubatsiro rwechikafu, sangano ravo rakazokwanisa kubatsira vanhu vanosvika miriyoni vainyanyoda rubatsiro.

VaOuani, avo vasvitsa gore vari munyika, vanoti gore rino pane tarisiro yekuti zvinhu zvichagadzikana zvakanyanya pachitariswa mvura yakanaka yakanaya mune dzimwe nzvimbo, izvo zvinozosiya huwandu hwevanhu vanoda chikafu hwaderera.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muWFP muZimbabwe, VaTomson Phiri, vanotiwo ongororo yegoho remwaka uno yakaitwa nehurumende pamwe nesangano ravo iri kutarisirwa kubuda chero nguva svondo rino.

VaPhiri vanoti chimhingamupinyi chikuru chavari kusangano nacho pari zvino inyaya yekushaikwa kwemari, sezvo masangano pamwe nedzihurumende dzekunze vaibatsira nemari vawandirwawo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG